1Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondobwe maviri asina mhosva,
2nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka bwekoroni.
3Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondobwe maviri.
4Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura;
5utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguvo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri;
6uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani.
7Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.
8Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi.
9Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapristi nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.
10Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe.
11Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana.
12Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzearitari nomumwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga mearitari:
13Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro pearitari.
14Asi nyama yenzombe, nedebwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.
15Unofanira kutorawo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondobwe,
16zvino ubaye gondobwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzearitari.
17Ipapo uchekanye gondobwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro.
18Zvino unofanira kupisa gondobwe rose paaritari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.
19Zvino utorewo gondobwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondobwe.
20Ipapo unofanira kubaya gondobwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagumwe amaoko orudyi, napamagumwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzearitari.
21Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paaritari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
22Zvino utorewo mamwe mafuta egondobwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi (nokuti igondobwe rokugadza naro),
23nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.
24Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.
25Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
26Utorewo chityu chegondobwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako.
27Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondobwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake.
28Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nekuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.
29nguvo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka.
30Mwanakomana wake anopinda paupristi panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.
31Zvino unofanira kutora gondobwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene.
32Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondobwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana.
33Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nekuti zvitsvene.
34Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nekuti zvitsvene.
35Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza.
36Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa aritari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure.
37Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira aritari, nokuitsaura; kuti aritari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paaritari zvinofanira kuva zvitsvene.
38Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paaritari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri.
39Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana.
40Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa.
41Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinomwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuhwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
42Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemi, nditaurepo newe.
43Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu.
44Tende rokusangana nearitari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupristi.
45Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo.
46Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.