1Akaita aritari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo
2Akaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana, nyanga dzayo dzikava chinhu chimwe chete nayo; akaifukidza nendarira.
3Akaita nhumbi dzose dzearitari, hari, nefoshoro, nemidziyo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto, nhumbi dzose akadziita nendarira.
4Akaitirawo aritari chakarukwa chendarira, chakarukwa samambure, pasi pechitsiko chakaipoteredza nechenyasi, chakasvikira pakati payo.
5Akaitira makona mana echakarukwa chendarira zvindori zvina paiva pokutakura napo namatanda.
6Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarira.
7Akaisa matanda mukati mezvindori zvaiva panhivi dzearitari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuranga, ikasava nechinhu mukati.
8Akaitawo mudziyo wokushambidzira wendarira, nechigadziko chawo chendarira, nezvionioni zvavakadzi vaishandira pamukova wetende rokusangana.
9Akaitawo ruvanze; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakanga kunezvirembedzwa zvemicheka yakaisvonaka yakarukwa, makubhiti ane zana;
10mbiru dzayo dzakanga dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
11Kurutivi rwokumusoro kwaiva namakubhiti ane zana, nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
12Kurutivi rwamavirazuva kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ana makumi mashanu, nembiru dzazvo dzine gumi, nezvigadziko zvadzo zvine gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha.
13Kurutivi rwamabvazuva kunotarira kumabvazuva kwaiva namakubhiti makumi mashanu.
14Zvirembedzwa zvemicheka kurutivi rumwe rwesuwo zvakanga zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
15Nokuno rumwe rutiviwo; kurutivi rumwe norumwe rwesuwo roruvanze kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu.
16Zvirembedzwa zvose zvemicheka paruvanze zvaipotedza nhivi dzose, zvaiva zvomucheka wakaisvonaka wakarukwa.
17Nezvigadziko zvembiru zvaiva zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha; nemisoro yadzo yakanga yakafukidzwa nesirivha; mbiru dzose dzoruvanze dzakanga dzakabatanidzwa nezvindori zvesirivha.
18Chidzitiro chesuwo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze.
19Mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvina zvendarira; zvikorekedzo zvadzo zvaiva zvesirivha, misoro yadzo nezvindori zvadzo zvakanga zvakafukidzwa nesirivha.
20Mbambo dzose dzetabhenakeri nedzoruvanze, rwakanga ruchiipoteredza kunhivi dzose, dzaiva dzendarira.
21Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMozisi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
22Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha,
23anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka.
24Ndarama yose yavaibatisa nayo mabasa ose apaimba tsvene, iyo ndarama yezvipo, aiva matarenda ana makumi maviri namapfumbamwe, namashekeri ana mazana manomwe namakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.
25Nesirivha yaivo vakanga vachiverengwa paungano aiva matarenda ane zana, namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene.
26Munhu mumwe nomumwe wakaripa bheka rimwe, iri hafu yeshekeri rimwe, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene; mumwe nomumwe wakadarika kuna vakaverengwa, wakange ana makore makumi maviri, kana wakapfuura makore iwayo, vakanga vari varume vane zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
27Namatarenda esirivha ane zana aiva okuumbisa nawo zvigadziko zvapaimba tsvene nezvigadziko zvechidzitiro; zvigadziko zvine zana zvakaitwa namatarenda ane zana, chigadziko chimwe nechimwe netarenda rimwe.
28Namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu wakaita zvikorekedzo zvembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuzviitirawo zvindori.
29Ndarira yezvipo yakanga ina matarenda ana makumi manomwe namashekeri ane zviuru zviviri namazana mana.
30Nayo wakaita zvigadziko zvomukova wetende rokusangana, nearitari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, nenhumbi dzose dzapaaritari,
31nezvigadziko zvose zvoruvanze rwakanga rwakapotedza, nezvigadziko zvesuwo roruvanze, nembambo dzose dzetabhenakeri, nembambo dzose dzoruvanze rwakanga rwakapoteredza.