Zarma

Shona

1 Samuel

17

1 Filistancey na ngey kunda margu zama ngey ma tangam. I margu Soko, Yahudiya* wano ra, ka gata sinji Soko nda Azeka game ra, Efes-Dammim no.
1Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi.
2 Sawulu mo, nga nda Israyla borey margu ka gata sinji Ela gooro ra. I na wongu daaga sinji Filistancey se.
2Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia.
3 Filistancey kay tondo boŋ ya-haray daaranta, Israyla borey mo kay tondo boŋ ne-haray daaranta. Gooro mo go i bindo ra.
3VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakange uri pakati pavo.
4 Boro bambata gaabikooni fo binde fun Filistancey gata ra. A maa Goliyat, Gat boro no, kaŋ a kayanta kambe kar iddu da gaaba fo no.
4Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika mimwe.
5 A gonda guuru-say wongu fuula nga boŋo gaa, da guuru kwaay. Kwaayo tiŋay ga to kilo waygu cindi gu da jare, guuru-say wane.
5wakange ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakange akafuka nguvo dzokurwa dzamabape endarira, nguvo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo.
6 A gonda kurufayaŋ nga cey gaa, guuru-say wane, da lolo nga jasey boŋ.
6wakange ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake.
7 A yaajo goobo ga hima kaymi bundu, a yaaji izo mo ga to kilo iyye cine tiŋay, guuru-bi wane. A koray jarekwa mo go a jine ga dira.
7Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake.
8 Kal a kay ka jinde daŋ Israyla wongu marga gaa ka ne i se: «Ifo se no araŋ fatta k'araŋ wongu daaga sinji? Ay wo, manti Filistance no, araŋ mo Sawulu tamyaŋ no, wala? Wa suuban araŋ do haray boro fo, a ma zulli ka kaa ay do.
8Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemwi varanda vaSauro here? imwi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri.
9 D'a hin ka yanje da ay, k'ay wi, kal iri ma ciya araŋ bannyayaŋ. Amma da ay no ka hin a k'a wi, araŋ wo ga ciya iri bannyayaŋ, araŋ ma may iri se.»
9Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imwi muchava varanda vedu, muchatibatira.
10 Filistanca din binde ne: «Ay na Israyla kunda candi hunkuna. W'ay no boro zama iri ma yanje nda care!»
10MuFirisitia akati, Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri, ndipei munhu, tirwe.
11 Waato kaŋ Sawulu nda Israyla kulu maa Filistanca sanni woodin yaŋ, i biney pati, i humburu gumo.
11Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa avaFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.
12 Amma Dawda baaba, Efrat kwaara boro ize, Baytlahami, Yahudiya wano boro no, kaŋ se i ga ne Yasse, a gonda ize alboro ahakku. Bora din binde ga zeen no Sawulu zamana waate, gayante mo no borey ra.
12Zvino Dhavhidhi wakange ari mwanakomana womuEfurata weBheterehemujudha, wainzi Jese; iye wakange ana vanakomana vasere, asi munhu uyu wakange ava mutana pamazuva aSauro, akwegura pakati pavarume.
13 Yasse ize beeri hinza jin ka Sawulu gana ka koy wongo do. A ize hinza kaŋ yaŋ ga koy wongu, hay-jina maa Eliyab, a banda-ka-zumbu maa Abinadab, ihinzanta maa Samma.
13Vanakomana vatatu vakuru vaJese vakanga vaenda naSauro kundorwa; zvino mazita avana vake vatatu, vakanga vaenda kundorwa, akanga ari, Eriabhu wedangwe, tevere Abhinadhabhu, wechitatu Shama.
14 Dawda mo no ga ti koda. Ibeeri hinza din go Sawulu banda.
14Dhavhidhi wakange ari muduku kuna vose; vaiva vatatu vakanga vaenda naSauro.
15 Dawda mo go, a ga cin ka koy Sawulu do, a ga ye fu ka nga baabo feejey kuru Baytlahami.
15Zvino Dhavhidhi waisienda kuna Sauro, achidzoka kuzofudza makwai ababa vake paBheterehemu.
16 Filistanca din mo go, a ga maan ka kaa susubay nda wiciri. Jirbi waytaaci no a goono ga nga boŋ cabe.
16MuFirisitia waiswedera mangwana namadeko, akamirapo mazuva ana makumi mana.
17 Yasse binde ne nga izo Dawda se: «Kaa sohõ ka sambu muudu fo jirmayo wo gaa, da buuru kunkuni wayo wo. Ma kond'ey da waasi wongu gata do ni nya izey se.
17Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, Chindopa vakuru vako efa imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako;
18 Cukku wayo wo mo, ni ma kond'ey i zambar jine bora se. Ma ni nya izey baani guna mo, k'i seeda ta.»
18asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuvonerapo.
19 Ngey nda Sawulu yaŋ binde da Israyla alborey kulu go Ela gooro ra. I goono ga wongu nda Filistancey.
19Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
20 Kala Dawda tun za da hinay, a na feejey naŋ hawji fo kambe ra, ka jinayey sambu ka koy, sanda mate kaŋ Yasse n'a lordi nd'a. A ga to dunkayo do ya-cine day, kala wongu marga fatta ka koy daaga meyo gaa, i goono ga kuuwa yanja se.
20Dhavhidhi akamuka mangwanani, akasiya makwai ake kumufudzi, akatora nhumbi, akaenda kwaakanga arairwa naJese; akasvika pakanga pakarundwa ngoro, varwi vobuda vachiridza mhere kundorwa.
21 Filistancey da Israyla na wongu daaga soola, margey na mo ye care gaa.
21VaIsiraeri navaFirisitia vakazvigadzidzira kurwa, hondo dzakatarisana.
22 Dawda na nga jinayey naŋ jinay batukwa kambe ra ka zuru ka koy daaga meyo gaa. A kaa ka nga nya izey fo.
22Dhavhidhi akasiya nhumbi dzake pamaoko omutariri wenhumbi, akamhanyira kuhondo, akasvika akakwazisa vakuru vake.
23 A goono ga salaŋ d'ey, kala Gat wane Filistance beero din go, kaŋ se i ga ne Goliyat. A fatta Filistancey daaga ra ka doŋ sanney dumi ci koyne. Dawda mo maa r'ey.
23Zvino wakati achataura navo, iya mhare ikabuda kuhondo yavaFirisitia, iye muFirisitia weGati, wainzi Goriati, akataura mashoko aaisitaura, Dhavhidhi akaanzwa.
24 Israyla alborey kulu binde, waato kaŋ i di bora, i zuru a se. I goono ga humburu gumo.
24Zvino varume vose vaIsiraeri vakati vachiona murume uyu, vakamutiza, vakatya kwazvo.
25 Israyla borey binde ne: «Araŋ di boro wo kaŋ fatta ka kay? Daahir nga ma Israyla wow se no a fatta. A ga ciya mo boro kaŋ n'a wi, bonkoono g'a koy yulwandi nda arzaka boobo, a g'a no mo nga ize wayo. A ga bora windo mo kaa jangal Israyla ra.»
25Varume vaIsiraeri vakati, Maona here murume uyo, wakwira? Zvirokwazvo wakwira kuzoshoora Isiraeri; munhu unomuuraya, mambo uchamufumisa nefuma zhinji, nokumupawo mwanasikana wake, nokusunungura imba yababa vake munaIsiraeri.
26 Kala Dawda salaŋ da borey kaŋ yaŋ goono ga kay nga jarga k'i hã ka ne: «Ifo no i ga te bora kaŋ na Filistanco wo wi se, a na wowi hari hibandi ka kaa Israyla gaa mo? May ga ti nga binde, Filistanco wo, kaŋ sinda dambanguyaŋ, hal a ma kaa ka Irikoy fundikoono wongu marga wow?»
26Zvino Dhavhidhi akataura navarume vakanga vamire naye, akati, Munhu, unouraya muFirisitia uyu, akabvisa kushoorwa kwavaIsiraeri uchapiweiko? nekuti muFirisitia uyu usinokudzingiswa ndianiko, unoshoora hondo dzaMwari mupenyu?
27 Jama mo tu a se da sanni woodin ka ne: «Yaadin no i ga te bora kaŋ n'a wi din se.»
27Vanhu vakamupindura saizvozvo, vakati, Munhu, unomuuraya, uchapiwa chokuti nechokuti.
28 Eliyab, a beere beero maa waato kaŋ a goono ga salaŋ da borey. Kala Eliyab bine tun Dawda boŋ da konni. A ne: «Ifo ka kande nin neewo? May kambe ra no ni na feeji gure-gurey naŋ saajo ra? Ay na ni boŋbeera da ni bina laalayaŋo bay, zama ni kaa no ni ma wongu gomdo se.»
28Zvino Eriabhu mukoma wake mukuru akanzwa achitaura navarume avo, Eriabhu akatsamwira Dhavhidhi, akati, Waburukireiko pano iwe? Makwai aya mashoma waasiya naniko murenje? Ndinoziva manyawi ako, nokuipa komoyo wako, nekuti waburuka kuzoona hondo.
29 Dawda ne: «Sohõ ifo no ay te? Manti ay salaŋ hinne day no?»
29Dhavhidhi akati, Zvino ndadiniko hangu? Handina kungobvunza hangu here?
30 A bare ka fay d'a, ka ye ka koy boro fo do. A salaŋ d'a sanda waato wano dumi. Borey mo ye ka tu a se sanda sanni zeena cine.
30Akatendeukirazve kunomumwe, akataurazve saizvozvo; vanhu vakamupindurazve saizvozvo.
31 Waato kaŋ i maa sanno kaŋ Dawda ci, i n'i dede Sawulu se. Nga mo donton a ma kaa.
31Zvino vakati vanzwa mashoko akataurwa naDhavhidhi, vakaarondedzera kuna Sauro; akatuma munhu kuzomudana.
32 Dawda binde ne Sawulu se: «Boro kulu bine ma si pati boro wo sabbay se. Ay, ni bannya ga koy ka yanje nda Filistanco wo.»
32Dhavhidhi akati kuna Sauro, Ngakurege kuva nomunhu unopera moyo nokuda kwake; muranda wenyu uchaenda kundorwa nomuFirisitia uyo.
33 Sawulu ne Dawda se: «Ni si hin ka tun Filistanco wo gaa, ka ne ni ga yanje nd'a, zama ni ya arwasu no jina, nga mo wongu boro no za a go arwasu.»
33Sauro akati kuna Dhavhidhi, Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nekuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.
34 Dawda ne Sawulu se: «Doŋ ay, ni bannya goono ga nga baabo feejiyaŋ kuru. Da muusu beeri wala urs* kaa ka feej'ize fo di kuro ra,
34Dhavhidhi akati kuna Sauro, Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka,
35 kal ay m'a gana k'a kar ka almano faaba a meyo ra. Waato kaŋ a naan ka tun ay gaa mo, ay n'a di a kaaba gaa k'a kar ka wi.
35ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.
36 Ay, ni bannya na muusu beeri kar, nga nda urs kulu. Filistanco wo mo kaŋ si dambangu ga ciya i ra afo cine, za kaŋ a na Irikoy fundikoono wongu marga wow.»
36Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nekuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu.
37 Dawda ne mo: «Rabbi kaŋ n'ay faaba muusu beeri nda urs kambe ra, a g'ay faaba Filistanco wo mo kambe ra.» Sawulu mo ne Dawda se: «Ma koy. Rabbi ma goro ni banda.»
37Dhavhidhi akati, Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu. Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, Enda hako, Jehovha uchava newe.
38 Sawulu mo na nga bankaara daŋ Dawda gaa, ka guuru-say wongu fuula daŋ a se a boŋo gaa, ka guuru kwaay mo daŋ Dawda gaa.
38Sauro akafukidza Dhavhidhi nguvo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguvo dzokurwa dzamabape endarira.
39 Dawda mo na Sawulu takuba koto nga bankaarayey boŋ. A soola nga ma tun (zama a mana si jina bo). Kala Dawda ne Sawulu se: «Ay si hin ka dira nda woone yaŋ wo zama ay man'i si ka di jine.» Dawda binde n'i kaa.
39Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguvo dzake, akaidza kufamba; nekuti wakange asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, Handigoni kufamba nadzo, nekuti handina kumbodziidza. Dhavhidhi akadzibvisa.
40 Kal a na nga kuray goobo sambu nga kambe ra, a na tondi ize yutto gu suuban gooro ra, k'i daŋ nga kuray zika ra kaŋ go a se, danga nga foola nooya. Finga-finga mo go a kambe ra. Kal a sosoro ka maan Filistanca do haray.
40Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia.
41 Filistanca mo soobay ka kaa, a go ga maan Dawda. Bora kaŋ go g'a korayo jare mo go a jine.
41MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakange akabata nhovo yake akamutungamirira.
42 Amma waato kaŋ Filistanca guna-guna ka di Dawda, kal a dond'a, zama a go, arwasu hinne no, idaara no, kaŋ moyduma ga boori.
42Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nekuti wakange achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka.
43 Filistanca mo ne Dawda se: «Ay ya hansi no, kaŋ ni ga kaa ay do da goobu?» Filistanca mo na Dawda wow nda nga toorey maa.
43MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo? MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake.
44 Filistanca ne Dawda se koyne: «To ne ay do, ay mo ya ni hamo no beene curey da ganji hamey se.»
44MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.
45 Dawda binde ne Filistanca se: «Nin wo, ni goono ga kaa ay do da takuba da yaaji da lolo, amma ay wo, ay kaa ni do Rabbi Kundeykoyo maa ra, Irikoy, Israyla wongu kunda Koyo, nga kaŋ ni kayna.
45Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora.
46 Hunkuna Rabbi ga ni daŋ ay kambe ra. Ay mo, ay ga ni kar, ya ni boŋo dagu ka kaa ni gaa. Hunkuna mo ay ga Filistancey wongu marga buukoy nooyandi beene curey da ganji hamey se. Zama ndunnya kulu ma bay kaŋ Irikoy go no Israyla do haray.
46Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.
47 Jama wo kulu ma bay mo kaŋ Rabbi no ga faaba, kaŋ manti nda takuba wala nda yaaji bo, zama wongo ya Rabbi wane no. Nga mo g'araŋ daŋ iri kambe ra.»
47Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nekuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu.
48 A ciya binde, waato kaŋ Filistanca tun ka kaa, a maan zama nga ma kubay da Dawda. Kala Dawda waasu da cahãyaŋ. A zuru ka koy daaga me gaa, nga ma kubay da Filistanca.
48Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia.
49 Dawda na kambe daŋ nga zika ra ka tond'ize kaa a ra. A n'a feeni ka taŋ ka Filistanca kar d'a sukuto gaa. Tondo mo fiji a sukuto ra, Filistanca kaŋ ganda birante moyduma boŋ.
49Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
50 Yaadin no Dawda te zaama nd'a Filistanca boŋ. A na Filistanca kar k'a wi da finga-finga nda tond'ize, amma takuba si Dawda kambe ra.
50Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
51 Waato din gaa no Dawda zuru ka koy kay Filistanca boŋ k'a takuba za. A n'a foobu ka kaa nyaŋo ra, k'a wi. A n'a boŋo pati nda takuba. Saaya kaŋ cine Filistancey di ngey gorzo beero bu, i zuru.
51Zvino Dhavhidhi akamhanya, akamira pamusoro pomuFirisitia, akatora munondo wake, akauvhomora pamuhara wawo, akamuuraya, akamugura musoro wake nawo. Zvino vaFirisitia vakati vachiona kuti mhare yavo yafa, vakatiza.
52 Israyla jama nda Yahuda jama binde tun da kuuwayaŋ ka Filistancey gana kal i koy gooro do, kala Ekron meyey gaa. Filistancey kaŋ yaŋ maray mo kaŋ fonda boŋ ka koy Saarayim, kal a ma koy hala Gat da Ekron me.
52Zvino varume vaIsiraeri navaJudha vakasimuka, vakadanidzira, vakatevera vaFirisitia kusvikira paGati napamusuwo weEkironi. Vakanga vakuvadzwa vavaFirisitia vakawira pasi panzira inoenda Shaaraimi, kusvikira paGati napaEkironi.
53 Israyla izey ye ka kaa ka fun Filistancey banda. I n'i gata jinayey ku.
53Ipapo vana vaIsiraeri vakadzoka pakudzingirira vaFirisitia, vakapambara misasa yavo.
54 Dawda mo na Filistanca boŋo sambu ka kand'a Urusalima*, amma a n'a wongu jinayey jisi nga fuwo ra.
54Dhavhidhi akatora musoro womuFirisitia, akauisa Jerusaremu, asi nguvo dzake dzokurwa nadzo wakadziisa mutende rake.
55 Amma waato kaŋ Sawulu di Dawda fatta ka kay ka karba nda Filistanca, kal a ne Abner kaŋ ci wonkoyo se: «Abner, arwaso wo binde, may ize no?» Abner ne: «Ay ze da ni fundo, ya bonkoono, ay si bay.»
55Zvino Sauro wakati achiona Dhavhidhi achibuda kundorwa nomuFirisitia, akati kuna Abhineri, mukuru wehondo, Abhineri, mukomana uyo mwanakomana waaniko? Abhineri akati, Nomweya wenyu mupenyu, mambo handizivi.
56 Bonkoono ne: «Kala ni ma hã boro kaŋ ize no, arwaso wo.»
56Mambo akati, Bvunza zvakanaka kuti mukomana uyu mwanakomana waaniko.
57 Waato kaŋ Dawda kaa ka fun Filistanca wiyaŋo do, Abner n'a sambu ka kand'a Sawulu jine. Filistanca boŋo go Dawda se a kamba ra.
57Zvino pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia Abhineri akamutora akamuisa pamberi paSauro, achakabata musoro womuFirisitia muruoko rwake.
58 Sawulu ne a se: «Ya nin arwaso, ni ya may ize no?» Dawda tu ka ne: «Ay ya ni tamo Yasse, Baytlahami bora ize no.»
58Sauro akati kwaari, Ndiwe mwanakomana waaniko, iwe jaya? Dhavhidhi akapindura, akati, Ndiri mwanakomana womuranda wenyu Jese muBheterehemu.