Zarma

Shona

Numbers

31

1 Rabbi salaŋ Musa se ka ne:
1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2 «Ma Madiyancey bana Israyla izey se. Waato din gaa no i ga ni margu ni kaayey do.»
2Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako.
3 Kala Musa salaŋ jama se ka ne: «Wa wongu jinayyaŋ no araŋ ra boroyaŋ se, i ma koy wongu. I ma fatta ka gaaba nda Madiyan, zama i ma Rabbi banayaŋo toonandi Madiyan boŋ.
3Mozisi akataura navanhu, akati, Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
4 Kunda kulu ra araŋ ma sambu boro zambar fo, Israyla kundey kulu ra, k'i donton wongo do.»
4Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi avaIsiraeri.
5 Yaadin no i na boro zambar fo no kaŋ i kaa kunda kulu ra, borey kaŋ yaŋ i suuban Israyla zambarey ra, sanda boro zambar way cindi hinka kaŋ yaŋ go soolante nda wongu jinayyaŋ.
5Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.
6 Musa binde n'i donton, i boro zambar fo kunda kulu do, i ma koy ka wongu te. Alfa Eliyezar izo Fineyas n'i dum. A konda Nangu Hanna jinay fooyaŋ da kaakaaciyaŋ kaŋ i ga kar mo.
6Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.
7 Kal i koy ka Madiyan wongu, danga mate kaŋ Rabbi ci Musa se, k'i alborey kulu wi.
7Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8 I na Madiyancey bonkooniyaŋ wi borey kaŋ i wi yaŋ ra. Ngey neeya: Ebi da Rekam da Zur, da Hur, da Reba, sanda Madiyancey bonkooni guwa nooya. I na Beyor izo Balaam mo wi da takuba.
8Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
9 Israyla izey na Madiyancey wayborey di, ngey nd'i zankey, d'i almaney kulu mo, ikayna nda ibeeri, d'i jinayey. I n'i ku wongu arzaka.
9Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nefuma yavo yose , vakazvitapa.
10 I kwaara beerey d'i kawyey, d'i gatey mo, i n'i kulu ton da danji.
10Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.
11 I na arzaka kulu sambu, hala nda borey kaŋ yaŋ i di mo, ngey nda almaney kulu.
11Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.
12 I kande borey da almaney da wongu arzaka kulu Musa nda Alfa Eliyezar da Israyla izey marga do. I go Mowab batama kaŋ go Urdun isa jarga ra da zumbuyaŋ, Yeriko do haray.
12Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mozisi, nokuna Ereazari mupristi, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJoridhani paJeriko.
13 Musa nda Alfa Eliyezar da Israyla izey jama jine borey kulu fatta gata ra k'i kubay.
13Zvino Mozisi naEreazari mupristi, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.
14 Musa binde te bine soojey jine borey se, sanda zambarey da zangey koyey nooya, kaŋ yaŋ fatta ka koy wongo do.
14Mozisi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;
15 Musa ne i se: «Araŋ na wayborey wo naŋ da fundi, wala?
15Mozisi akati kwavari, Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?
16 Araŋ bay kaŋ Balaam saawara boŋ ngey no ka Israyla izey daŋ i ma zunubi te Rabbi se Peyor sanno ra, hala balaaw na Rabbi jama ŋwa.
16Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
17 Day, sohõ araŋ m'i zankey ra alborayzey kulu wi. Wayborey mo, boro kulu kaŋ furo aru, araŋ m'i kulu wi.
17Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;
18 Amma zanka wayborayzey kulu, kaŋ yaŋ mana furo aru, araŋ m'i naŋ araŋ boŋ se.
18asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.
19 Araŋ bumbey mo, araŋ ma goro gata banda kala jirbi iyye. Boro kulu kaŋ na boro fo wi, wala kaŋ lamba buuko gaa, i ma ngey boŋ hanandi jirbi hinzanta hane da jirbi iyyanta hane mo, araŋ da borey kaŋ yaŋ araŋ di.
19Asi imwi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imwi navatapwa venyu.
20 Bankaaray sanni mo i ma hay kulu kaŋ i ga te da kuuru hanandi, araŋ bumbey m'a te. Wa hincin hamni zaara, da bundu jinay kulu mo hanandi.»
20Munofanirawo kusuka nguvo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatebwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda.
21 Alfa Eliyezar mo ne soojey kaŋ yaŋ koy wongo do se: «Woodin asariya farilla kaŋ Rabbi ci Musa se no.
21Ereazari mupristi akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mozisi naJehovha:
22 Amma wura da nzarfu nda guuru-say, da guuru-bi, da guuru-kwaaray, da bidile --
22Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,
23 hay kulu kaŋ ga hin danji, kal araŋ m'a daŋ danji ra, hal a ma hanan. Kulu nda yaadin, araŋ ma ye k'a hanandi nda haro kaŋ ga harram kaa. Hay kulu kaŋ si hin danji mo, araŋ m'a sufu hari ra.
23zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.
24 Araŋ mo, m'araŋ bankaarayey nyuna jirbi iyyanta hane, hal araŋ ma hanan. Waato din gaa no araŋ ga furo gata ra.»
24Munofanira kusuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure.
25 Woodin banda Rabbi salaŋ Musa se ka ne:
25Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
26 «Fundikooney kulu kaŋ yaŋ i di, borey da almaney, araŋ m'i kabu. Nin da Alfa Eliyezar da jama windi koyey, araŋ m'i kabu.
26Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari mupristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;
27 Araŋ m'i fay kanandi hinka. Kanandi fa borey kaŋ yaŋ ga waani wongu goy se no, kaŋ yaŋ koy wongo do. Kanandi fa mo jama kulu se no.
27mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;
28 Araŋ ma jangal ta mo Rabbi se soojey kaŋ yaŋ koy wongo do gaa. I ma fundi fo no zangu gu kulu ra, borey da hawey da farkayey da alman kayney.
28zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumadhongi, nekumakwai;
29 Araŋ m'i kaa soojey waney ra ka no Alfa Eliyezar se, i ma beene sambuyaŋ nooyaŋ te Rabbi se.
29uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari mupristi, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.
30 Israyla izey wano ra, ni ma afo ta waygu kulu ra, borey da hawey da farkayey da alman kayney kulu, sanda almaney kulu ra nooya. Ni m'i no Lawitey se, kaŋ yaŋ ga Rabbi Irikoy nangora talfo batu.»
30Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumadhongi, nekumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha.
31 Musa nda Alfa Eliyezar mo te mate kaŋ Rabbi ci Musa se.
31Mozisi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
32 Fundikooney kaŋ yaŋ i di binde, kaŋ waana jinayey kaŋ soojey sambu, feeji zambar zangu iddu da zambar wayye cindi gu no,
32Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,
33 da haw zambar wayye cindi hinka,
33nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,
34 da farka zambar waydu cindi fo,
34nemadhongi ane zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe;
35 da boro zambar waranza cindi hinka, kaŋ i kulu wayboroyaŋ no kaŋ yaŋ mana furo aru ce fo.
35navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.
36 Kanandi fa kaŋ ti borey kaŋ yaŋ fatta ka koy wongo do baa, i lasaabo ga ti: feeji zambar zangu hinza da zambar waranza cindi iyye, nda zangu gu.
36Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;
37 Rabbi jangalo kaŋ i kaa feejey ra mo, feeji zangu iddu nda wayye cindi gu no.
37mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.
38 Hawey mo, zambar waranza cindi iddu no, Rabbi jangalo mo haw wayye cindi hinka no.
38Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.
39 Farkayey mo zambar waranza nda zangu gu no, Rabbi jangalo mo farka waydu cindi fo no.
39Madhongi aiva zvuru makumi matatu nemazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva madhongi makumi matanhatu neimwe.
40 Borey mo zambar waranza da zangu gu no, Rabbi jangalo mo waydu cindi fo no.
40Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.
41 Jangalo wo kaŋ ti beene sambuyaŋ sargay Rabbi se, Musa n'a no Alfa Eliyezar se, danga mate kaŋ cine Rabbi ci Musa se.
41Mozisi akapa Ereazari mupristi mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
42 Israyla izey baa mo, kaŋ Musa na nga nda soojey baa fay,
42Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMozisi kuvanhu vakanga vandorwa,
43 jama baa ga ti feeji zambar zangu hinza da zambar waranza cindi iyye, da zangu gu,
43(zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,
44 da haw zambar waranza cindi iddu,
44nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,
45 da farka zambar waranza da zangu gu,
45nemadhongi zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,
46 da boro zambar way cindi iddu.
46navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).
47 Israyla izey baa ra mo Musa na afo kaa waygu kulu ra, borey da almaney kulu. A n'i no Lawitey se kaŋ yaŋ ga Rabbi Irikoy nangora talfo batu, mate kaŋ Rabbi ci Musa se.
47Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
48 Jine borey kaŋ yaŋ go zambarey boŋ da wongu nyaŋey kaŋ yaŋ go zangey boŋ soojey marga ra kaa ka maan Musa do.
48Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mozisi,
49 I ne Musa se: «Ni tamey na soojey kaŋ yaŋ go i kambe ra kabu. Baa boro folloŋ mana gaze iri do.
49vakati kuna Mozisi, Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.
50 Iri mo iri kande nooyaŋ Rabbi se, iri kulu haŋ kaŋ iri du ra. Wura taalam jinayyaŋ neeya, sanda ce jinde sisiriyaŋ, da kambe guuruyaŋ da kambe korbayyaŋ da hanga korbayyaŋ, da jinde hiiriyaŋ. Iri kand'ey hal i ma taali tuusuyaŋ te iri se Rabbi jine.»
50Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zvemimwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha.
51 Musa nda Alfa Eliyezar na wura ta i gaa kaŋ a kulu taalam jinay dananteyaŋ no.
51Mozisi naEreazari mupristi vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.
52 Wura kaŋ i salle Rabbi se, kaŋ zambarey jine borey da zangey jine borey kande mo ga saba nda ton fo cine tiŋay.
52Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.
53 Soojey na wongu arzaka ku, afo kulu nga boŋ se.
53(Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)
54 Amma Musa nda Alfa Eliyezar na wura din ta zambarey jine borey da zangey jine borey gaa. I kand'a kubayyaŋ hukumo ra, zama a ma ciya fonguyaŋ hari Israyla izey se Rabbi jine.
54Mozisi naEreazari mupristi vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.