Zarma

Shona

Proverbs

21

1 Bonkoono bine go Rabbi kambe ra Danga hari zuray cine, A g'a bare nangu kulu kaŋ a miila.
1Moyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda.
2 Boro fondo ga saba no a diyaŋ gaa, Amma Rabbi no ga biney neesi.
2Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera moyo.
3 Rabbi do, adilitaray da cimi ciiti bisa sargay teeyaŋ.
3Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro.
4 Boŋ jareyaŋ da bina ra boŋbeeray, Kaŋ ga ti boro laalo fitilla, ya zunubi no.
4Kutarira kwamanyawi nomoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi.
5 Himmante miila, yulwa hinne gaa no a ga koy, Amma cahãkom kulu, jaŋay do haray no a ga koy.
5Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa.
6 Arzaka duure deene tangari do, Dullu no kaŋ i ga tuti nda waasi, I ceecikoy kulu mo, buuyaŋ no i goono ga ceeci.
6Kuunganidza fuma norurimi runoreva nhema Imhute inodzingwa kose-kose navanotsvaka rufu.
7 Boro laaley toonye goy g'i ŋwa, Zama i wangu ka cimi ciiti te.
7Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, nekuti vanoramba kuita zvakarurama.
8 Boro kaŋ gonda taali ga jare, A fonda ga siiri no gumo, Amma hanante ciine ra, a goyo ga kay hal a ma boori.
8Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama.
9 Boro ma goro lokoto ra jidan bisa boŋ ga bisa boro ma goro windi tafo ra wayboro sanni-boobo-koy banda.
9Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara.
10 Boro laalo fundo ga yalla-yalla nda laala, A diyaŋ gaa a gorokasin si du gaakuri.
10Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari.
11 D'i na dondako gooji, I ga ye ka kande boro kaŋ sinda carmay laakal do. D'i na laakalkooni mo dondonandi, A ga bayray ta.
11Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira
12 Adilante ga laakal da boro laaley windi, A ga di kaŋ Rabbi go ga boro laaley bare ka gum hal i ma halaci.
12Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa.
13 Boro kaŋ na nga hanga daabu talka hẽeni se, Nga mo ga aniya ka hẽ, i si maa r'a mo.
13Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema komurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki.
14 Nooyaŋ tugante ga futay kanandi, Me-daabu ganda ra mo ga dukuri kanandi.
14chipo chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru.
15 Farhã hari no adilante se a ma cimi ciiti te, Amma halaciyaŋ no goy laalo te-koy se.
15Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako.
16 Boro kaŋ kamba fahamay fondo gaa ga du nangu buukoy jama ra.
16Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
17 Watay baako ga talka, Duvan* da ji baako mo si ciya arzakante.
17Anofarira zvinofadza, achava murombo; Anofarira waini namafuta haangafumi.
18 Laalakoy ya fansa hari no adilante se, Amaana ŋwaako mo banandi no boro hanney se.
18Akaipa idzikunuro yowakarurama; Anoita nokunyengedzera anopinda panzvimbo yowakarurama.
19 Boro ma goro saaji fimbi ra ga bisa boro ma goro nda wayboro kakawko, Kaŋ ga guutu mo.
19Zviri nani kugara murenje, Pakugara nomukadzi anokakavara nowanonetsa.
20 Arzaka darzante da ji go no laakalkoyey nangoray ra, Amma boro kaŋ si caram ga arzaka gon.
20Mumba mowakachenjera mune fuma inokosha namafuta, Asi benzi rinozvipedza.
21 Boro kaŋ na adilitaray da suuji gana, Fundi nda adilitaray da beeray no a ga du.
21Munhu, anotsvaka kururama nounyoro, Anowana upenyu, nokururama, nokukudzwa.
22 Boro kaŋ gonda laakal ga hinkoyey kwaara cinaro kaaru, K'i gaabi deyaŋ haro zeeri.
22Munhu akachenjera anokwira muguta ravane simba, Achiwisira pasi nhare yavanovimba nayo.
23 Boro kaŋ na nga meyo da nga deena haggoy ga nga fundo hallasi taabi gaa.
23Ani naani anochengeta muromo wake norurimi rwake, Anochengeta mweya wake pamatambudziko.
24 Boro kaŋ gonda boŋbeeray da fundi beeray, A maa ga ti dondako. Niine jareyaŋ futo no a ga goy d'a.
24Munhu, anozvikudza ana manyawi, mudadi ndiro zita rake; Anoita namanyawi okuzvikudza kwake.
25 Hawfuno ibaayo no g'a wi, Zama a kambey wangu goy.
25Kuda koane usimbe kunomuuraya; nekuti maoko ake anoramba kubata basa.
26 A ga bini, a goono ga canse zaari me-a-me, Amma adilante wo ga no, a si boro ganji.
26Zuva rose anoramba achingochiva; Asi akarurama anopa asingarambi.
27 Boro laalo sargayey ya fanta hariyaŋ no, Sanku fa saaya kaŋ a kand'ey da miila laalo.
27Chibayiro chowakaipa chinonyangadza; Ndoda kana achiuya nazvo kuyananisira zvakaipa.
28 Tangari seedakoy ga halaci, Amma boro kaŋ ga maa ka gana, A ga hin ka salaŋ waati kulu.
28Chapupu chenhema chichaparadzwa; Asi munhu unoteerera, acharamba achitaura.
29 Boro laalo ga mo-koogay cabe, Amma adilante ga nga fonda tabbatandi.
29Munhu akaipa ane chiso chisinganyari; Asi kana ari akarurama anogadzira nzira dzake.
30 Laakal, wala fahamay, wala saaware si no kaŋ ga gaaba nda Rabbi.
30Hakuna uchenjeri, kana njere, Hakuna mano angakunda Jehovha.
31 I ga bari soola wongu hane se, Amma zaama teeyaŋo, Rabbi do no a ga fun.
31Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, Asi kukunda kunobva kuna Jehovha.