1If there arise in the midst of you a prophet, or a dreamer of dreams, and he give you a sign or a wonder,
1Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa,
2and the sign or the wonder come to pass, of which he spoke to you, saying, “Let us go after other gods” (which you have not known) “and let us serve them”;
2icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;
3you shall not listen to the words of that prophet, or to that dreamer of dreams: for Yahweh your God proves you, to know whether you love Yahweh your God with all your heart and with all your soul.
3usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nekuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
4You shall walk after Yahweh your God, and fear him, and keep his commandments, and obey his voice, and you shall serve him, and cling to him.
4Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira.
5That prophet, or that dreamer of dreams, shall be put to death, because he has spoken rebellion against Yahweh your God, who brought you out of the land of Egypt, and redeemed you out of the house of bondage, to draw you aside out of the way which Yahweh your God commanded you to walk in. So you shall put away the evil from the midst of you.
5Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nekuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeEgipita, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
6If your brother, the son of your mother, or your son, or your daughter, or the wife of your bosom, or your friend, who is as your own soul, entice you secretly, saying, “Let us go and serve other gods,” which you have not known, you, nor your fathers;
6Kana munin'ina wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikamwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;
7of the gods of the peoples who are around you, near to you, or far off from you, from the one end of the earth even to the other end of the earth;
7vari vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedo newe, kana kure newe, kubva pano rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwenyika;
8you shall not consent to him, nor listen to him; neither shall your eye pity him, neither shall you spare, neither shall you conceal him:
8haufaniri kumutenda, kana kumuteerera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuvanza;
9but you shall surely kill him; your hand shall be first on him to put him to death, and afterwards the hand of all the people.
9asi unofanira kumuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako ngarutange kumuuraya, pashure maoko avamwe vanhu vose.
10You shall stone him to death with stones, because he has sought to draw you away from Yahweh your God, who brought you out of the land of Egypt, out of the house of bondage.
10Unofanira kumutaka namabwe, afe, nekuti wakatsvaka kukutsausa ubve kuna Jehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeEgipita paimba youranda.
11All Israel shall hear, and fear, and shall not do any more such wickedness as this is in the midst of you.
11Valsiraeri vose vazvinzwe, vatye, varege kuzoita zvakaipa zvakadai pakati pako.
12If you shall hear tell concerning one of your cities, which Yahweh your God gives you to dwell there, saying,
12Kana ukanzwa vachikuudza mune rimwe ramaguta ako aunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ugaremo, vachiti,
13Certain base fellows are gone out from the midst of you, and have drawn away the inhabitants of their city, saying, “Let us go and serve other gods,” which you have not known;
13Vana nyakuti vakaisvoipa varipo, vakabuda pakati pako, vakatsausa vagere muguta ravo, vachiti, Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vamakanga musingazivi;
14then you shall inquire, and make search, and ask diligently; and, behold, if it be truth, and the thing certain, that such abomination is done in the midst of you,
14zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;
15you shall surely strike the inhabitants of that city with the edge of the sword, destroying it utterly, and all that is therein and its livestock, with the edge of the sword.
15zvirokwazvo unofanira kuparadza vanhu vagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza chose, iro nezvose zviri mukati maro, nezvipfuwo zvaro, nomunondo unopinza.
16You shall gather all its spoil into the midst of its street, and shall burn with fire the city, and all its spoil every whit, to Yahweh your God: and it shall be a heap forever; it shall not be built again.
16Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.
17Nothing of the devoted thing shall cling to your hand; that Yahweh may turn from the fierceness of his anger, and show you mercy, and have compassion on you, and multiply you, as he has sworn to your fathers;
17Chinhu chimwe chezvakayeriswa ngachirege kunamatira pamaoko ako, kuti Jehovha azvidzore pakutsamwa kwake kukuru, akunzwire nyasha, ave netsitsi newe, akuwanze, sezvaakapikira madzibaba ako;
18when you shall listen to the voice of Yahweh your God, to keep all his commandments which I command you this day, to do that which is right in the eyes of Yahweh your God.
18kana ukateerera inzwi raJehovha Mwari wako, ukachengeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uchiita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.