1Yahweh said to Noah, “Come with all of your household into the ship, for I have seen your righteousness before me in this generation.
1Zvino Jehovha wakati kuna Nowa: Pindai iwe nemhuri yako yose muareka, nekuti iwe ndakuona wakarurama pamberi pangu pazera iri.
2You shall take seven pairs of every clean animal with you, the male and his female. Of the animals that are not clean, take two, the male and his female.
2Pamhuka yose yakanaka uzvitorere nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo; nepamhuka dzose dzisina kunaka mbiri mbiri, mukono nehadzi yayo.
3Also of the birds of the sky, seven and seven, male and female, to keep seed alive on the surface of all the earth.
3Nepashiri dzedenga utore nomwe nomwe, mukono nehadzi, kuchengetedza mbeu iri mhenyu pachiso chenyika yose.
4In seven days, I will cause it to rain on the earth for forty days and forty nights. Every living thing that I have made, I will destroy from the surface of the ground.”
4Nekuti kwasara mazuva manomwe, zvino ndichanaisa mvura panyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana; uye chipenyu chose chandakaita ndichachiparadza pachiso chenyika.
5Noah did everything that Yahweh commanded him.
5Zvino Nowa wakaita sezvose Jehovha zvaakamuraira.
6Noah was six hundred years old when the flood of waters came on the earth.
6Zvino Nowa wakange ava nemakore mazana matanhatu panguva yekuuya kwemvura zhinji pamusoro penyika.
7Noah went into the ship with his sons, his wife, and his sons’ wives, because of the waters of the flood.
7Nowa ndokupinda, nevanakomana vake nemukadzi wake nevakadzi vevanakomana vake vanaye muareka, nekuda kwemvura yemafashame.
8Clean animals, animals that are not clean, birds, and everything that creeps on the ground
8Pamhuka dzakachena, nepamhuka dzisina kuchena, nepashiri, nepazvose zvinokambaira pamusoro penyika,
9went by pairs to Noah into the ship, male and female, as God commanded Noah.
9zvakapinda zviviri zviviri kuna Nowa muareka, mukono nehadzi, Mwari sezvaakaraira Nowa.
10It happened after the seven days, that the waters of the flood came on the earth.
10Zvino zvakaitaika shure kwemazuva manomwe, kuti mvura yemafashame yakavapo panyika.
11In the six hundredth year of Noah’s life, in the second month, on the seventeenth day of the month, on the same day all the fountains of the great deep were burst open, and the sky’s windows were opened.
11Mugore remazana matanhatu reupenyu hwaNowa, mumwedzi wechipiri, zuva regumi nemanomwe remwedzi, nezuva iroro zvitubu zvose zvepakadzikadzika zvakadzuturwa, nemahwindo ematenga akazarurwa.
12The rain was on the earth forty days and forty nights.
12Zvino mvura zhinji ikava pamusoro penyika mazuva makumi mana neusiku makumi mana.
13In the same day Noah, and Shem, Ham, and Japheth, the sons of Noah, and Noah’s wife, and the three wives of his sons with them, entered into the ship;
13Nezuva iro rakadaro Nowa rakapinda muareka, naShemu, naHamu, naJafeti, vanakomana vaNowa, nemukadzi waNowa, nevakadzi vatatu vevanakomana vake pamwe naye;
14they, and every animal after its kind, all the livestock after their kind, every creeping thing that creeps on the earth after its kind, and every bird after its kind, every bird of every sort.
14ivo, nemhuka yose nemarudzi ayo, nechipfuwo chose nemarudzi acho, nechinokambaira chose chinokambaira panyika nemarudzi acho, nechinobhururuka chose nemarudzi acho neshiri yose yemarudzi ose.
15They went to Noah into the ship, by pairs of all flesh with the breath of life in them.
15Zvino zvakapinda kuna Nowa muareka, zviviri zviviri zvenyama yose zvine mweya weupenyu.
16Those who went in, went in male and female of all flesh, as God commanded him; and Yahweh shut him in.
16Nezvakapinda, zvakapinda mukono nehadzi, zvenyama yose, Mwari sezvaakaraira, Jehovha akamupfigira mukati.
17The flood was forty days on the earth. The waters increased, and lifted up the ship, and it was lifted up above the earth.
17Zvino mafashame akavapo pamusoro penyika mazuva makumi mana; mvura ikawanda, ikasimudza areka, ikakwiridzirwa pamusoro penyika.
18The waters prevailed, and increased greatly on the earth; and the ship floated on the surface of the waters.
18Mvura ndokukwirira nesimba, ikawanda kwazvo pamusoro penyika, areka ikafamba pamusoro pechiso chemvura.
19The waters prevailed exceedingly on the earth. All the high mountains that were under the whole sky were covered.
19Zvino mvura yakakwirira nesimba zvikurusa pamusoro penyika, makomo marefu ose pasi pedenga rose akaputirwa.
20The waters prevailed fifteen cubits upward, and the mountains were covered.
20Makubiti gumi nemashanu mvura yakakwirira nesimba makomo akaputirwa.
21All flesh died that moved on the earth, including birds, livestock, animals, every creeping thing that creeps on the earth, and every man.
21Nenyama yose yaifamba pamusoro penyika ikafa, zvose yeshiri neyechipfuwo neyemhuka neyechose chinokambaira, chinokambaira pamusoro penyika, nemunhu wose;
22All in whose nostrils was the breath of the spirit of life, of all that was on the dry land, died.
22chose chine kufema kwemweya weupenyu mumhino dzacho, zvose zvakanga zviri pakaoma pasi, zvakafa.
23Every living thing was destroyed that was on the surface of the ground, including man, livestock, creeping things, and birds of the sky. They were destroyed from the earth. Only Noah was left, and those who were with him in the ship.
23Chipenyu chose, chaivapo, chaiva pachiso chepasi, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo, nezvinhu zvinokambaira zvose nekushiri dzematenga zvakaparadzwa. Nowa oga wakasara, nezvaiva naye muareka.
24The waters prevailed on the earth one hundred fifty days.
24Mvura ndokukwirira nesimba pamusoro penyika mazuva zana nemakumi mashanu.