1The righteous perishes, and no man lays it to heart; and merciful men are taken away, none considering that the righteous is taken away from the evil.
1Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
2He enters into peace; they rest in their beds, each one who walks in his uprightness.
2Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nekuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
3“But draw near here, you sons of the sorceress, the seed of the adulterer and the prostitute.
3Asi swederai pano, imwi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve.
4Against whom do you sport yourselves? Against whom do you make a wide mouth, and stick out your tongue? Aren’t you children of disobedience, a seed of falsehood,
4Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,
5you who inflame yourselves among the oaks, under every green tree; who kill the children in the valleys, under the clefts of the rocks?
5iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imwi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?
6Among the smooth stones of the valley is your portion; they, they are your lot; you have even poured a drink offering to them. You have offered an offering. Shall I be appeased for these things?
6Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
7On a high and lofty mountain you have set your bed; there also you went up to offer sacrifice.
7Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro.
8Behind the doors and the posts you have set up your memorial: for you have uncovered to someone besides me, and have gone up; you have enlarged your bed, and made you a covenant with them: you loved their bed where you saw it.
8Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nekuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana.
9You went to the king with oil, and increased your perfumes, and sent your ambassadors far off, and debased yourself even to Sheol Sheol is the place of the dead. .
9Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuhwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
10You were wearied with the length of your way; yet you didn’t say, ‘It is in vain.’ You found a reviving of your strength; therefore you weren’t faint.
10Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, Hazvina maturo; wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
11“Of whom have you been afraid and in fear, that you lie, and have not remembered me, nor laid it to your heart? Haven’t I held my peace even of long time, and you don’t fear me?
11Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
12I will declare your righteousness; and as for your works, they shall not profit you.
12Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.
13When you cry, let those who you have gathered deliver you; but the wind shall take them, a breath shall carry them all away: but he who takes refuge in me shall possess the land, and shall inherit my holy mountain.”
13Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
14He will say, “Cast up, cast up, prepare the way, take up the stumbling-block out of the way of my people.”
14Zvichanzi, Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.
15For thus says the high and lofty One who inhabits eternity, whose name is Holy: “I dwell in the high and holy place, with him also who is of a contrite and humble spirit, to revive the spirit of the humble, and to revive the heart of the contrite.
15nekuti zvanzi nowakakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye nowane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika.
16For I will not contend forever, neither will I be always angry; for the spirit would faint before me, and the souls who I have made.
16nekuti handingarwisi nokusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nekuti mweya unofanira kupera simba pamberi pangu, nemweya yandakaita.
17For the iniquity of his covetousness was I angry, and struck him; I hid myself and was angry; and he went on backsliding in the way of his heart.
17Nokuda kokuipa kokunyengera kwake, ndakatsamwisisa ndikamurova; ndakazvivanza, ndikatsamwisisa; akaenderera mberi nenzira yemoyo wake.
18I have seen his ways, and will heal him: I will lead him also, and restore comforts to him and to his mourners.
18Ndaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamutungamirirawo, nokudzosa nyaradzo kwaari navanomuchema.
19I create the fruit of the lips: Peace, peace, to him who is far off and to him who is near,” says Yahweh; “and I will heal them.”
19Ndinosika zvibereko zvemiromo; Rugare, rugare kunowari kure nokunowari pedo, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichamuporesa.
20But the wicked are like the troubled sea; for it can’t rest, and its waters cast up mire and dirt.
20Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nekuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
21“There is no peace,” says my God, “for the wicked.”
21Zvanzi naMwari wangu, Vakaipa havana rugare.