World English Bible

Shona

Numbers

25

1Israel stayed in Shittim; and the people began to play the prostitute with the daughters of Moab:
1Zvino vaIsiraeri vakagara paShitimu, vanhu vakatanga kuita
2for they called the people to the sacrifices of their gods; and the people ate, and bowed down to their gods.
2nekuti vakadana vanhu vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo; vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari vavo.
3Israel joined himself to Baal Peor: and the anger of Yahweh was kindled against Israel.
3Valsiraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Isiraeri kwazvo.
4Yahweh said to Moses, “Take all the chiefs of the people, and hang them up to Yahweh before the sun, that the fierce anger of Yahweh may turn away from Israel.”
4Ipapo Iehovha akati kuna Mozisi, Tora vakuru vose vavanhu, uvasungirire masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kudzorwe kuna Isiraeri.
5Moses said to the judges of Israel, “Everyone kill his men who have joined themselves to Baal Peor.”
5Mozisi akati kuvatongi vaIsiraeri, Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye vanhu vake vakazvisunganidza naBhaari-peori.
6Behold, one of the children of Israel came and brought to his brothers a Midianite woman in the sight of Moses, and in the sight of all the congregation of the children of Israel, while they were weeping at the door of the Tent of Meeting.
6Zvino onei mumwe murume wavana vaIsiraeri akauya kuhama dzake nomukadzi muMidhiani, Mozisi neungano yose yavana vaIsiraeri vachizviona, ivo vari pakuchema pamukova wetende rokusangana.
7When Phinehas, the son of Eleazar, the son of Aaron the priest, saw it, he rose up from the midst of the congregation, and took a spear in his hand;
7Zvino Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati achizviona, akasimuka, akabuda pakati peungano ane pfumo muruoko rwake,
8and he went after the man of Israel into the pavilion, and thrust both of them through, the man of Israel, and the woman through her body. So the plague was stayed from the children of Israel.
8akatevera murume uyo muIsiraeri mukati metende, akavabaya nepfumo nomudumbu, ivo vaviri, murume muIsiraeri nomukadzi; naizvozvo denda rakaguma pakati pavana vaIsiraeri.
9Those who died by the plague were twenty-four thousand.
9Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvina.
10Yahweh spoke to Moses, saying,
10Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
11“Phinehas, the son of Eleazar, the son of Aaron the priest, has turned my wrath away from the children of Israel, in that he was jealous with my jealousy among them, so that I didn’t consume the children of Israel in my jealousy.
11Pinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, adzora kutsamwa kwangu kuvana vaIsiraeri; nekuti akanga ane shungu pakati pavo, dzakafanana neshungu dzangu naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.
12Therefore say, ‘Behold, I give to him my covenant of peace:
12Naizvozvo uti, Tarira, ndinomupa sungano yangu yorugare,
13and it shall be to him, and to his seed after him, the covenant of an everlasting priesthood; because he was jealous for his God, and made atonement for the children of Israel.’”
13ichava kwaari nokuvana vake vanomutevera kuti akanga ane shungu nokuda kwaMwari wake, akayananisira vana vaIsiraeri.
14Now the name of the man of Israel that was slain, who was slain with the Midianite woman, was Zimri, the son of Salu, a prince of a fathers’ house among the Simeonites.
14Zita romurume uyo muIsiraeri akaurawa, iye wakaurawa pamwechete nomukadzi muMidhiani, rakanga riri Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yamadzibaba pakati pavaSimioni.
15The name of the Midianite woman who was slain was Cozbi, the daughter of Zur; he was head of the people of a fathers’ house in Midian.
15Zita romukadzi muMidhiani akaurawa, rakanga riri Kozibhi, mwanasikana waZuri; iye akanga ari mukuru wavanhu weimba yamadzibaba pavaMidhiani.
16Yahweh spoke to Moses, saying,
16Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
17“Harass the Midianites, and strike them;
17Vambana navaMidhiani, uvaparadze;
18for they harassed you with their wiles, with which they have deceived you in the matter of Peor, and in the matter of Cozbi, the daughter of the prince of Midian, their sister, who was slain on the day of the plague in the matter of Peor.”
18nekuti ivo vakavambana nemwi namano avo, avakakunyengerai nawo pane zvakaitwa naPeori nezvakaitwa naKozibhi, mwanasikana womuchinda wavaMidhiani, hanzvadzi yavo, akaurawa nomusi wedenda nokuda kwezvakaitwa naPeori.