1Yahweh, don’t rebuke me in your anger, neither discipline me in your wrath.
1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.
2Have mercy on me, Yahweh, for I am faint. Yahweh, heal me, for my bones are troubled.
2Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nekuti ndaonda; Ndiponesei, Jehovha nekuti mafupa angu anoshungurudzika.
3My soul is also in great anguish. But you, Yahweh—how long?
3Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?
4Return, Yahweh. Deliver my soul, and save me for your loving kindness’ sake.
4Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.
5For in death there is no memory of you. In Sheol Sheol is the place of the dead. , who shall give you thanks?
5nekuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?
6I am weary with my groaning. Every night I flood my bed. I drench my couch with my tears.
6Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.
7My eye wastes away because of grief. It grows old because of all my adversaries.
7Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.
8Depart from me, all you workers of iniquity, for Yahweh has heard the voice of my weeping.
8Ibvai kwandiri, imwi vaiti vose vezvakaipa. Nekuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.
9Yahweh has heard my supplication. Yahweh accepts my prayer.
9Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10May all my enemies be ashamed and dismayed. They shall turn back, they shall be disgraced suddenly.
10Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.