1Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,2Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, Kana imwi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;3tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nekuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.4Ungano yose ikatenda kuzviita; nekuti vanhu vose vakati zvakanaka.5Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweEgipita, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.6Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamakerubhi pamusoro pawo, pavanonamata Zita rake.7Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.8Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.9Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nekuti nzombe dzakanga dzogumburwa.10Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nekuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.11Ipapo Dhavhidhi akaora moyo nekuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.12Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?13Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.14Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.