Shona

1 Chronicles

8

1Bhenjamini akabereka mwana wake wedangwe Bhera, naAshibheri wechipiri, naAhara wechitatu;2naNowa wechina, naRafa weshanu.3Bhera akabereka vanakomana: Adhari, naGera naAbhihudhi;4naAbhishua, naNaamani, naAhoa;5naGera, naShefufani, naHurami.6Ava ndivo vanakomana vaEhudhi: Ndivo vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paGebha, vakavatapa, vakaenda navo Manahati;7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akavatapa; akabereka Uza naAhihudhi.8Shaharaimi akabereka vanakomana panyika yaMoabhi, adzinga vakadzi vake Hushimi naBhaara.9Akabereka kumukadzi wake Hodheshi: Jobhabhu, naZibhia, naMesha, naMarikami;10naJeuzi, naShakia, naMirima. Ndivo vanakomana vake, vakuru vedzimba dzamadzibaba.11Hushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.12Vanakomana vaEripaari: Ebheri, naMishami, naShemedhi; ndiye wakavaka Ono, naRodhi, nemisha yawo;13naBheira, naShema, ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba aigara paAjaroni, vakadzinga vakanga vagere paGati;14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti;15naZebhedhia, naAradhi, naEdheri;16naMikaeri, naIshipa, naJoha, ivo vanakomana vaBheira;17naZebhedhia, naMeshurami, naHiziki, naHebheri;18naIshimerai, naIziria, naJobhabhu, ivo vanakomana vaEripaari;19naJakimi, naZikiri, naZabhudhi;20naErienai, naZiretai, naErieri;21naAdhaya, naBheraya, naShimirati, ivo vanakomana vaShimei;22naIshipani, naEbheri, naErieri;23naAbhidhoni, naZikiri, naHanani;24naHanania, naErami, naAnatotiya;25naIfudheya, naPenueri, ivo vanakomana vaShashaki;26naShamisherai, neSheharia, naAtaria;27naJareshia, naEria, naZikiri, ivo vanakomana vaJehorami.28Ivo vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba kumarudzi avo ose, vakuru; ivo vaigara Jerusaremu.29PaGibhiyoni paigara baba vaGibhiyoni, wainzi Jeyieri, zita romukadzi wake rakanga riri Maaka.30Mwanakomana wake wedangwe aiva Abhidhoni, naZuri, naKishi, naBhaari, naNadhabhi;31naGedhori, naAhio, naZekariya.32Mikiroti akabereka Shimea. Naivo vaigara nehama dzavo Jerusaremu, vakatarisana nehama dzavo.33Neri akabereka Kishi, Kishi akabereka Sauro, Sauro akabereka Jonatani, naMarikishua, naAbhinadhabhu, naEshibhaari.34Mwanakomana waJonatani akanga ari Meribhibhaari; Meribhibhaari akabereka Mika.35Vanakomana vaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi.36Ahazi akabereka Joadha, Joadha akabereka Arimeti, naAzimavheti, naZimiri; Zimiri akabereka Moza;37Moza akabereka Bhinea; Rafa waiva mwanakomana wake, naEreasa mwanakomana wake, naAzeri mwanakomana wake.38Azeri wakange ana vanakomana vatanhatu; mazita avo ndiwo: Azirikami, naBhokeru, naIshimaeri, naShearia, naObhadhiya, naHanani. Ava vose vaiva vanakomana vaAzeri.39Vanakomana vaEsheki munin'ina wake: Urami mwanakomana wake wedangwe, naJeuzi wechipiri, naErifereti wechitatu.40Vanakomana vaUrami vaiva varume vane simba noumhare, vapfuri vemiseve; vakanga vana vanakomana vazhinji, navanakomana vavanakomana vavo, vakasvika zana namakumi mashanu. Ivo vose vaiva vanakomana vaBhenjamini.