1Zvino Eria muTishibhi, waigara Giriyadhi, wakati kuna Ahabhi, NaJehovha mupenyu, Mwari waIsiraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.2Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,3Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti, ruri pamberi paJoridhani.4Unofanira kumwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvo kukupa zvokudya ipapo.5Naizvozvo akaenda, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; wakandogara parukova Keriti ruri pamberi paJoridhani.6Makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, nechingwa nenyama madekwana; akamwa mvura yorukova.7Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nekuti mvura yakanga isinganayi panyika.8Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti,9Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.10Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuwo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndimwe11Zvino wakati achienda kundoitora, akamudana, akati, Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.12Iye akati, NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.13Ipapo Eria akati kwaari, Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure.14Nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.15Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji.16Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.17Zvino pashure paizvozvo mwanakomana womukadzi, mwene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwazvo, kusvikira apererwa nomweya.18Mukadzi akati kuna Eria, Ndineiko nemi, imwi munhu waMwari? Makapinda mumba mangu kuti zvivi zvangu zvirangarirwe, uye kuti mwanakomana wangu aurawe here?19Akati kwaari, Ndipe mwanakomana wako. Akamutora pachipfuva chomukadzi, akamutakurira kuimba yokumusoro, kwaaigara, akamuradzika panhovo yake,20akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, makaitireiko chirikadzi yandigere nayo chakaipa chakadai, zvamauraya mwanakomana wake?21Akatsivama pamusoro pomwana katatu, akadanidzira kuna Jehovha, akati, Jehovha Mwari wangu, ndinokumbira, mweya womwana uyu ngaudzokerezve kwaari.22Jehovha akanzwa inzwi raEria, mweya womwana ukadzokerazve kwaari, akararamazve.23Ipapo Eria akatora mwana, akaburuka naye paimba yokumusoro, akamuisa mumba, akamupa mai vake. Eria akati, Tarira, mwana wako mupenyu.24Mukadzi akati kuna Eria, Zvino ndinoziva ichi, kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderechokwadi.