Shona

1 Kings

19

1Zvino Ahabhi wakaudza Izebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria, navose vaakauraya, vaporofita vose nomunondo.2Ipapo Izebheri akatuma nhume kuna Eria, akati, Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino.3Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJudha, akasiya muranda wake ipapo.4Asi iye wakafamba rwendo rwezuva rimwe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati, Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu, nekuti handipfuuri madzibaba angu pakururama.5Akavata pasi, akavata hope pasi pomurara. Zvino mutumwa akamugunzva, akati kwaari, Simuka, udye.6Akatarira, akaona pedo nomusoro wake chingwa chiduku chakanga chagochwa pamazimbe, nechirongo chemvura. Akadya, akamwa, akavata pasizve.7Mutumwa waJehovha akasvikazve rwechipiri, akamugunzva, akati, Simuka, udye, nekuti uchakundwa norwendo.8Akasimuka, akadya, akamwa, akafamba asimbiswa nezvokudya izvo, mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana kusvikira paHorebhu, pagomo raMwari.9Akapindapo mubako, akagarapo. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano Eria?10Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo, nekuti vana valsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, nokuuraya vaporofita venyu nomunondo; ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.11Iye akati, Enda, undomira pagomo pamberi paJehovha. Zvino Jehovha akapfuurapo, mhepo huru ine simba ikapamura makomo, ikaputsanya mabwe pamberi paJehovha; asi Jehovha wakange asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuura, kudengenyeka kwenyika kukavapo; asi Jehovha wakange asiri mukudengenyeka kwenyika.12Kudengenyeka kwenyika kwakati kwapfuura, moto ukatevera; asi Jehovha wakange asiri mumoto; moto wakati wapfuura, kufefetera kokudzikama kukavapo.13Zvino Eria wakati achizvinzwa, akamonera chiso chake nenguvo yake, akabuda, akandomira pamuromo webako. Ipapo inzwi rikasvika kwaari, rikati, Unobateiko pano, Eria?14Iye akati, Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari wehondo kwazvo; nekuti vana vaIsiraeri vakarasha sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, vakauraya vaporofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu; zvino votsvaka kundiuraya.15Zvino Jehovha akati kwaari, Dzoka nenzira yako yokurenje reDhamasiko; kana wasvikapo, uzodze Hazaeri, ave mambo weSiria,16naJehu mwanakomana waNimishi umuzodze ave mambo waIsiraeri, naErisha mwanakomana waShafati weAbherimehora, umuzodze ave muporofita panzvimbo yako.17nekuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchaurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, uchaurawa naErisha.18Kunyange zvakadaro ndichasiya pakati paIsiraeri zviuru zvinomwe zvavanhu vasina kupfugamira Bhaari namabvi avo, vasina kumutsvoda nemiromo yavo.19Naizvozvo akabvapo, akandowana Erisha mwanakomana waShafati, wakange achirima nenzombe dzakasungwa pamajoko ane gumi namaviri, iye ari pajoko regumi namaviri; Eria akapfuura nokwaari, akakanda nguvo yake pamusoro pake.20Iye akasiya nzombe, akamhanya achitevera Eria, akati, Nditenderei henyu ndimbondotsvoda baba vangu namai vangu, ndigokuteverai. Iye akati kwaari, Chidzoka hako, nekuti ndakuiteiko?21Akadzoka pakumutevera, akatora nzombe dzejoko iro, akadzibaya, akagocha nyama yadzo achiita nhumbi dzadzo huni, ndokupa vanhu, ivo vakadya. Zvino wakasimuka, akatevera Eria, akamubatira.