1Zvino shure kwaizvozvo Nabhoti muJezereeri wakange anomunda wemizambiringa, waiva paJezereeri pedo neimba youshe yaAhabhi mambo weSamaria.2Zvino Ahabhi akataura naNabhoti, akati, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiuite munda wemiriwo, nekuti uri pedo neimba yangu; ini ndigokupa mumwe munda wemizambiringa unokunda uyu; zvimwe, kana uchida, ndingakupa mari yakaringana mutengo wawo.3Ipapo Nabhoti akati kuna Ahabhi, Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.4ipapo Ahabhi akapinda mumba make, avora moyo, ane shungu, nokuda kweshoko raakanga audzwa naNabhoti muJezereeri, nekuti iye wakange ati, Handingakupiyi nhaka yamadzibaba angu. Akavata panhovo yake, akatendeudza chiso chake, akaramba kudya.5Zvino Izebheri mukadzi wake akaenda kwaari, akati, moyo wenyu une shungu neiko, zvamusingadi kudya?6Iye akati kwaari: Nekuti ndakataura naNabhoti muJezereeri, ndikati kwaari, Ndipe munda wako wemizambiringa, ndiutenge nemari; asi kana uchida hako, ndichakupa mumwe munda wemizambiringa panzvimbo yawo, iye akapindura, akati, Handingakupiyi munda wangu wemizambiringa.7Zvino Izebheri makadzi wake akati kwaari, Ko hamuzimi munobata ushe pakati paIsiraeri here? Mukai, mudye, moyo wenyu ufare, nekuti ini ndichakupai munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri.8Naizvozvo akanyora tsamba nezita raAhabhi, akadzisimbisa nechisimbiso chake, akatuma tsamba idzo kuvakuru, nokumachinda, vaiva muguta rake, vakanga vagere naNabhoti.9Akanyora patsamba idzo, achiti, Tarirai musi wokutsanya nawo, mukudze Nabhoti pakati pavanhu.10Mugoraira vanhu vaviri vakaisvoipa vamire pamberi pake, vamupupurire, vachiti, Iwe wakatuka Mwari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabwe, afe.11Ipapo varume veguta rake, ivo vakuru namachinda, vakanga vagere muguta rake, vakaita sezvakarairwa naIzebheri, sezvakanyorwa patsamba dzavakanga vatumirwa naye.12Vakatara zuva rokutsanya, vakakudza Nabhoti pakati pavanhu.13Zvino varume vaviri vakaisvoipa vakapinda, vakandogara pamberi pake; varume ava vakaisvoipa vakamupupurira, iye Nabhoti, pamberi pavanhu, vakati, Nabhoti wakatuka Mwari namambo. Zvino vakabuda naye paguta, vakamutaka namabwe, akafa.14Ipapo vakatuma shoko kuna Izebheri, vakati, Nabhoti watakwa namabwe, wafa.15Zvino Izebheri wakati achinzwa kuti Nabhoti watakwa namabwe, wafa, Izebheri akati kunaAhabhi, Simukai, mundozvitorera munda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, uyo waakadeya kuramba kukupai, nguva yamakada kumupa mari, nekuti Nabhoti haachiri mupenyu, asi wafa.16Zvino Ahabhi wakati achinzwa kuti Nabhoti wafa, akasimuka, akaburuka kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezereeri, kundozvitorera iwo.17Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,18Simuka, buruka undosangana naAhabhi mambo waIsiraeri, unogara Samaria; uchamuwana ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kundozvitorera iwo.19Umuudze, uti, Zvanzi naJehovha, Wauraya, zvino watorawo here? Zvino umuudzewo, uti, Zvanzi naJehovha, Apo pakananzva imbwa ropa raNabhoti, ndipo padzichananzva ropa rakowo.20Ahabhi akati kuna Eria, Wandiwana, iwe muvengi wangu here? Akapindura, akati, Ndakuwana; nekuti wazvitengesa kuti uite zvakaipa pamberi paJehovha.21Tarira, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pako, ndichakutsvaira chose, ubve, ndichaparadza vanakomana vose vaAhabhi, vaduku navakuru kuvaIsiraeri.22Imba yako ndichaiita seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, neimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamwisa iwe, ukatadzisa Isiraeri.23Uye Jehovha akataura pamusoro paIzebheri, akati, Imbwa dzichadya Izebheri parusvingo rweJezereeri.24Ani naani waAhabhi, unofira muguta, uchadyiwa nembwa, Ani naani, unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzekudenga.25(Asi hakuna munhu wakafanana naAhabhi, wakazvitengesa kuti aite zvakaipa pamberi paJehovha, achikurudzirwa naIzebheri mukadzi wake.26Akaita zvakanyangadza kwazvo, nekuti wakatevera zvifananidzo netsika dzose dzavaAmori, ivo vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri).27Zvino Ahabhi wakati achinzwa mashoko iwayo, akabvarura nguvo dzake, akasimira magumbu pamuviri wake, akatsanya, akavata pasi namagumbu, akanatsofamba.28Zvino shoko raJehovha rikasvika kuna Eria muTishibhi, richiti,29Unoona here kuti Ahabhi unozvininipisa pamberi pangu? Zvaanozvininipisa pamberi pangu, handingauyisi zvakaipa izvo pamazuva ake; asi pamazuva omwanakomana wake ndichauyisa zvakaipa izvo pamusoro peimba yake.