1Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.2Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.3Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.4Ivo vakati, Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.5Akati kwavari, Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri. Vakati, Ndiye chapupu.6Zvino Samueri akati kuvanhu, Jehovha ndiye wakange agadza Mozisi naAroni, nokisimudza madzibaba enyu panyika yeEgipita.7Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemwi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.8Nguva yakaenda Jakove Egipita, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Egipita, vakavagarisa pano.9Asi vakakangamwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.10Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, Takatadza, nekuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.11Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.12Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, Kwete, tinofanira kubatwa nesuwo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakange ari mambo wenyu.13Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.14Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;15asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.16Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.17Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.18Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.19Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nekuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.20Samueri akati kuvanhu, Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;21musatsauka, nekuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nekuti hazvina maturo.22Nekuti Jehovha haangasii vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nekuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.23Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.24Asi ityai Jehovha, mumushumire nechokwadi nemoyo yenyu yose, nekuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.25Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu.