Shona

2 Chronicles

14

1Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.2Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.3nekuti akabvisa aritari dzoutorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;4akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurayiro.5Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvimwari zvezuva; ushe hukava norugare iye ari mambo.6Akavaka maguta akakombwa paJudha; nekuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nekuti Jehovha akanga amuzorodza.7Nekuti akati kuvaJudha: Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuwo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nekuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose. Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.8Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.9Zvino Zera multiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.10Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.11Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imwi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nekuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. imwi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.12Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.13Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kumutsiridzika; nekuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.14Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nekuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nekuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.15Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera Jerusaremu.