1Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu.2Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai.3Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nekuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomoyo wose.4Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.5Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe;6akati kuvatongi, Chenjerai zvamunoita; nekuti hamutongeri vanhu imwi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.7Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nekuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro.8Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu.9Akavaraira, achiti, Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune moyo yakarurama.10Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imwi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.11Zvino tarirai, Amaria mupristi mukuru achakurairai pashoko roga roga raJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.