Shona

2 Kings

23

1Zvino mambo akatuma vanhu vakaunganidza vakuru vose veJudha naveJerusaremu.2Mambo akakwira kumba kwaJehovha, anavarume vose vaJudha, navose vakanga vagere Jerusaremu, navapristi navaporofita, navanhu vose, vaduku navakuru, akavaravira mashoko ose ebhuku yesungano yakawanikwa mumba maJehovha.3Mambo akamira pambiru, akaita sungano pamberi paJehovha, akazvisunga kutevera Jehovha, nokuchengeta mirairo yake nezvipupuriro, nezvaakatema, nomoyo wake wose nomweya wake wose, kuti asimbise mashoko esungano iyi, akanga akanyorwa mubhuku iyi, vanhu vose vakasimbisa sungano iyo.4Ipapo mambo akaraira mupristi mukuru Hirikia, navapristi vaimutevera, navatariri vomukova, kuti vabudise patemberi yaJehovha nhumbi dzose dzakanga dzaitirwa Bhaari neAshera nehondo dzose dzokudenga, akadzipisa kunze kweJerusaremu muruwa rwaKidhironi, akaisa madota adzo paBhetieri.5Akabvisa vapristi vezvifananidzo, vakanga vagadzwa namadzimambo aJudha kuti vapise zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, uye vose vaipisa zvinonhuhwira kuna Bhaari, nezuva, nomwedzi, nenyeredzi, nehondo dzose dzokudenga.6Akabudisawo Ashera mumba maJehovha, akaiisa kunze kweJerusaremu kurukova rwaKidhironi, akaipisa parukova rwaKidhironi, akaikuya ikaita madota, akakanda madota ayo pamusoro pamarinda avarombo.7Akaputsawo dzimba dzavaSodhoma, dzakanga dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira eAshera.8Akabudisa vapristi vose mumaguta aJudha, akashatisa matunhu akakwirira, paipisira vapristi zvinonhuhwira, kubva paGebha kusvikira paBheeri-shebha; akaputsa matunhu akakwirira pamasuwo, aiva pavanopinda napo pasuwo raJoshua mubati weguta, aiva kuruboshwe rwomunhu kana opinda nesuwo reguta.9Asi vapristi vamatunhu akakwirira havazaikwira kuaritari yaJehovha paJerusaremu, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.10Akashatisa Tofeti raiva pamupata wavana vaHinomi, kuti kurege kuva nomunhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto nokuda kwaMoreki.11Akaputsa mabhiza akanga apiwa namadzimambo kuzokudza zuva pavanopinda napo paimba yaJehovha, pakamuri yaNatanimereki mutariri weimba yomukati yakanga iri paberere, akapisa ngoro dzezuva.12Akaputsawo aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yokumusoro yaAhazi, dzakanga dzavakwa namadzimambo aJudha, nearitari dzakanga dzavakwa naManase muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha, akadzikoromora, akakanda guruva radzo murukova Kidhironi.13Mambo akashatisawo matunhu akakwirira aiva pamberi peJerusaremu, aiva kurudyi rwegomo rokuparadza, akanga avakirwa Ashitoreti, mwari unonyangadza wavaZidhoni, naKemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, naMirikomi, mwari unonyangadza wavana vaAmoni, naSoromoni mambo waIsiraeri.14Akaputsanyawo shongwe dzamabwe, akaparadza matanda okunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo namafupa avanhu.15Uye aritariwo yaiva paBhetieri nedunhu rakakwirira rakavakwa naJerobhoamu mwanakomana waNebhati, iye wakatadzisa Isiraeri, aritari iyo nedunhu iro rakakwirira akazviputsa, akapisa dunhu rakakwirira, akariputsanya rikaita huruva, akapisa danda rokunamata naro.16Zvino Josiya wakati achitendeuka, akaona marinda aiva mugomo, akatuma vanhu vakatora mafupa aiva mumarinda, vakaapisa paaritari iyo, akaishatisa sezvakanga zvataurwa neshoko raJehovha rakaparidzwa nomunhu waMwari, iye wakadeya kuparidza zvinhu izvi.17Zvino akati, Shongwe iyi yandinoona ndeyeiko? Vanhu veguta vakati kwaari, Ndiro rinda romunhu waMwari, wakadeya kubva kwaJudha, akaparidza zvinhu izvo zvamakaitira aritari yeBhetieri.18Akati, Ngaazorore hake; ngakurege kuva nomunhu unobvisa mafupa ake. Naizvozvo vakarega mafupa ake pamwechete namafupa omuporofita wakange abva Samaria.19Uye dzimba dzose dzamatunhu akakwirira dzaiva pamaguta eSamaria, dzakanga dzakavakwa namadzimambo aIsiraeri, vakatsamwisa Jehovha nadzo, idzo dzakabviswa naJosiya, akadziitira zvose zvaakaita paBhetieri.20Akauraya vapristi vose vamatunhu akakwirira vaivapo, pamusoro pearitari, akapisira pamusoro padzo mafupa avanhu; akadzokera Jerusaremu.21Zvino mambo akaraira vanhu vose, akati, Itirai Jehovha Mwari wenyu Pasika, sezvakanyorwa mubhuku iyi yesungano.22Zvirokwazvo, havana kumboita Pasika yakadai, kubva pamazuva avatongi vaitonga Isiraeri, kana pamazuva ose amadzimambo aIsiraeri, kana madzimambo aJudha.23Asi negore re gumi namasere ramambo Josiya vakaitira Jehovha Pasika iyi paJerusaremu.24Josiya akabvisawo masvikiro ose, navaroyi, namaterafimi, nezvifananidzo, nezvose zvinonyangadza, zvakawanikwa munyika yaJudha napaJerusaremu, kuti asimbise mashoko omurayiro, akanga akanyorwa mubhuku yakawanikwa mumba maJehovha naHirikia mupristi.25Hakuna mambo wakamutangira wakange akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nomoyo wake wose, nomweya wake wose, nesimba rake rose, achitevera murayiro wose waMozisi; uye hakuna mumwe wakamutevera wakange akafanana naye.26Kunyange zvakadaro Jehovha haana kushandura kutsamwa kwake kukuru, kwakamutsa hasha dzake kuna Judha, nokuda kokutsamwisa kose kwaakatsamwiswa nako naManase.27Jehovha akati, NaJudhawo ndichavabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Isiraeri; ndicharamba guta iri reJerusaremu, randakazvitsaurira, neimba yandakati pamusoro payo, Zita rangu richagarapo.28Zvino mamwe mabasa aJosiya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?29Pamazuva ake Farao-neko mambo weEgipita, akandorwa namambo weAsiria kurwizi Yufuratesi, mambo Josiya akandorwa naye; asi wakati amuona, Farao-neko akamuuraya paMegidho.30Varanda vake vakamutakura nengoro afa, vakabva naye paMegidho, vakamuisa Jerusaremu, vakamuviga muhwiro hwake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake.31Jehoahazi wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.32Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.33Asi Farao-neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti arege kubata ushe paJerusaremu; akateresa nyika matarenda esirivha ane zana, netarenda rimwe rendarama.34Farao-neko akaita Eriakimu mwanakomana waJosiya mambo panzvimbo yaJosiya baba vake, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu; asi wakaenda naJehoahazi, akasvika Egipita, ndokufirako.35Jehoyakimu akapa Farao sirivha nendarama, asi wakateresa nyika kuti agone kuripa mari sezvaakarairwa naFarao; akaripisa vanhu venyika sirivha nendarama, mumwe nomumwe sezvaakamutarira, kuti aipe Farao-neko.36Jehoyakimu wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.37Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita madzibaba ake pazvose.