1Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nekuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.2Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nekuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.3Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.4Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.5Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amafupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.6Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; nekuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.7Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.8Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.9Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.10Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nekuti uduku noujaya hazvinamaturo.