Shona

Genesis

11

1Zvino nyika yose yaiva yerurimi rwumwe neyeshoko rimwe.2Zvino zvakaitika vachifamba kubva kumabvazuva, kuti vakawana bani munyika yeShinari, ndokugarako.3Ndokuti umwe neumwe kumuvakidzani wake: Uyai, ngatiite zvidhina, tizvipise zvikuru. Zvino zvidhina zvakava mabwe kwavari, netara ikava dope kwavari.4Zvino vakati: Uyai, ngatizviva­kire guta neshongwe ine musoro uri­kudenga, uye ngatizviitirei zita, zvikasadaro tingapararira pamusoro pechiso chenyika yose.5Zvino Jehovha wakaburuka kuzoona guta neshongwe, yakangi yava­kwa nevanakomana vevanhu.6Jehovha ndokuti: Tarira, rudzi nderwumwe, uye vane rurimi rwumwe vose, zvino ndizvo zvavanotanga kuita; uye ikozvino hakuchina chi­nhu chavangada kuita chavangadziviswa.7Uyai, ngatiburuke, tivhiringidze rurimi rwavo ipapo, kuti vasanzwa mutauro weumwe neumwe.8Naizvozvo Jehovha wakavaparadzira kubva ipapo pamusoro pechiso chenyika, vakamira kuvaka guta.9Naizvozvo va­katumidza zita raro kuti Bhabheri, nekuti ipapo Jeho­vha wakavhiringidza rurimi rwenyika yose; uye kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pachiso chenyika yose.10Awa marudzi aShemu. Shemu wakange ane makore zana, akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwemafashame.11Shemu ndokurarama, shure kwekubereka Aripakishadhi, makore mazana mashanu; akabereka vanako­mana nevanasikana.12Aripakishadhi ndokurarama makore makumi matatu nemashanu, akabe­reka Shera.13Aripakishadhi ndokurarama, shure kwekubereka kwake Shera, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.14Shera ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Ebheru.15Shera ndokurarama, shure kwekubereka kwake Ebheru, makore mazana mana nematatu; akabereka vanakomana nevanasikana.16Ebheru ndokurarama makore ma­kumi matatu nemana, akabereka Peregi.17Ebheru ndokurarama, shure kwekubereka kwake Peregi, makore mazana mana nemakumi matatu; akabereka vanakomana nevanasi­kana.18Peregi ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Rehu.19Zvino Peregi wakararama, shure kwekubereka kwake Rehu, makore mazana maviri nemapfumbamwe; akabereka vanakomana nevanasikana.20Rehu ndokurarama makore ma­kumi matatu nemaviri, akabereka Serugu.21Zvino Rehu wakararama, shure kwekubereka kwake Serugu, makore mazana maviri nemanomwe; akabereka vanakomana nevanasikana.22Serugu ndokurarama makore ma­kumi matatu, akabereka Nahori.23Zvino Serugu wakararama, shure kwekubereka kwake Nahori, makore mazana maviri, akabereka vanako­mana nevanasikana.24Nahori ndokurarama makore ma­kumi maviri nemapfumbamwe, akabe­reka Tera.25Zvino Nahori wakararama, shure kwekubereka kwake Tera, makore zana negumi nemapfumbamwe, akabereka vanakomana nevanasikana.26Tera ndokurarama makore ma­kumi manomwe, akabereka Abhuramu, Nahori naHarani.27Zvino izvi zvizvarwa zvaTera. Tera waka­bereka Abhuramu, Nahori naHarani; Harani ndokubereka Roti;28Harani akafa, baba vake Tera vasati vafa, panyika yechiberekerwa chake, muUri yevaKara­dhea.29Zvino Abhuramu naNahori vakazvitorera vakadzi; zita remukadzi waAbhu­ramu raiva Sarai; uye zita remukadzi waNahori raiva Mirika, mukunda waHa­rani, baba vaMirika, nababa vaIsika.30Asi Sarai waiva mhanje, wakange asina mwana.31Zvino Tera wakatora Abhuramu mwanakomana wake, naRoti, mwanakomana waHarani, mwanako­mana wemwanakomana wake, naSarai, muroora wake, mukadzi waAbhuramu mwanakomana wake; vakabva Uri yevaKaradhea navo, kuenda kunyika yeKanani; vakasvika Harani, vakagarapo.32Zvino mazuva aTera aiva makore mazana maviri nemashanu; Tera akafira Harani.