Shona

Genesis

2

1Zvino matenga nenyika zvikapera saizvo­zvo, nehondo yazvo yose.2Mwari aka­pedza basa rake raakaita nezuva rechinomwe; ndokuzorora nezuva rechinomwe pabasa rake rose raakange aita.3Zvino Mwari wakaropafadza zuva rechinomwe, akariita dzvene; nekuti wakazorora naro pabasa rake rose, Mwari raakange asika nekuita.4Ndiyo nhoroondo yemazera ematenga nenyika, pakusikwa kwazvo; nezuva iro Jeho­vha Mwari raakaita nyika nematenga,5nemakwenzi esango akanga achigere ku­vapo panyika, nemuriwo umwe neumwe wesango waka­nge uchigere kumera; nekuti Jehovha Mwari akange asati anaisa mvura pa­nyika, uye kwakange kusina munhu ku­zorima pasi.6Asi mhute yaisimuka ichi­bva panyika ichinyorovesa chiso chose chenyika.7Zvino Jehovha Mwari wakaumba munhu neguruva revhu, akafemera mumhino dzake mweya weupenyu; munhu ndokuva mweya mupenyu.8Zvino Jehovha Mwari wakasima munda muEdheni, kumabvazuva, ndokuisapo mu­nhu waakange aumba.9Zvino Jehovha Mwari wakameresa pasi miti yose inofadza pakuona, uye yakanaka kudya; uye muti weupenyu pakati pemunda, nemuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa.10Zvino rwizi rwakabuda muEdheni kuzodiridza munda, uye kubva ipapo rwakaparadzaniswa rwukava misoro mina.11Zita rerwekutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo;12uye ndarama yenyika iyoyo yakanaka; pane dheriumu nebwe reonikisi.13Zvino zita rerwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi.14Zvino zita rerwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabva­zuva kweAsiria. Uye rwizi rwechina ndiYu­furatesi.15Zvino Jehovha Mwari wakatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti au­rime nekuuchengeta.16Zvino Jehovha Mwari wakaraira munhu achiti: Pamiti yose yemunda ungadya uchidya,17asi muti werizivo rwezvakanaka nezvakaipa usadya pauri; nekuti nemusi waunoudya, uchafa zvirokwa­zvo.18Zvino Jehovha Mwari wakatizve, Ha­zvina kunaka kuti munhu ave oga; ndichamuitira mubatsiri wakafanana naye.19Zvino Jehovha Mwari wakaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti acha­dzitumidza kuti chii, uye chipenyu chose sechazvakatumidzwa nemunhu, ndiro rakava zita racho.20Zvino munhu wakapa mazita kuzvipfuwo zvose nekushiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kumunhu kwakashaikwa mubatsiri wakamukwanira.21Zvino Jehovha Mwari wakakonzera hope huru kuwira pamusoro pemunhu, ndokuvata; zvino wakatora rumwe rwemabvu dzake, akadzivira nyama panzvimbo yarwo.22Zvino nerumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi, akamuisa kumu­nhu.23Munhu akati: Ikozvino uyu ipfupa remafupa angu, nenyama yenyama ya­ngu, uchanzi mukadzi, nekuti wa­kabviswa pamurume.24Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, uye vachava nyama imwe.25Zvino vose vari vaviri vakange vasina kupfeka, munhu nemukadzi wake, asi ha­vana kunyara.