Shona

Genesis

37

1Zvino Jakove akagara munyika youtorwa hwababa vake, munyika yeKanani.2Marudzi aJakove ndiwo: Josefa akanga ana makore ane gumi namano­mwe, akafudza makwai pamwechete navakoma vake; akanga achiri muko­mana pamwechete navanakomana vaBhiriha, navanakomana vaZiripa, vaka­dzi vababa vake; Josefa akasivaudzira kuna baba vavo.3Zvino Isiraeri akanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nekuti aiva mwanakomana woutana hwake; aka­muitira nguvo yakanga yakareba ina maoko.4Vakoma vake vakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura vakoma vake vose; vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.5Zvino Josefa akarota hope, akau­dza vakoma vake, ipapo vakanyanya kumuvenga.6Akati kwavari, Inzwaiwo hope dzangu dzandarota.7Tarirai, taka­nga tichisunga zvisote mumunda, onei chisote changu chikasimuka, chikara­mba chimire; ndikaona zvisote zvenyu zvichikomba changu, zvikakotama pa­mberi pechisote changu.8Vakoma vake vakati kwaari, Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi? Ko iwe uchava nesimba pamusoro pedu kanhi? Vakanyanya kumuvenga nokuda kokurota kwake nokwamashoko ake.9Akapamha kurotazve, akaudza va­koma vake, akati, Tarirai, ndarotazve dzimwe hope; ndakaona zuva, nomwedzi, nenyeredzi dzine gumi neimwe, dzichi­kotamira pamberi pangu.10Akaudza baba vake navakoma vake izvozvo; baba vake vakamutuka, vakati kwaari, Kurota kwako uku kwa­warota kurota kunyi? Ini namai vako navakoma vako tichauya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?11Vakoma vake vakamugodora; asi baba vake vakache­ngeta shoko iro.12Zvino vakoma vake vakandofudza makwai ababa vavo paShekemu.13Isiraeri akati kuna Josefa, Vakoma vako havafudzi makwai paShe­kemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye akati, Ndiri pano hangu.14Akati kwaari, Zvino chienda undo­tarira kana vakoma vako vakafara, nama­kwai kana akafarawo; ugodzoka kuzondiu­dza. Naizvozvo akamutuma, ari pamupata weHebhuroni, akandosvika Shekemu.15Zvino mumwe murume akamuwana achidzungaira musango; murume akamu­bvunza, akati, Unotsvakeiko?16Iye akati, Ndinotsvaka vakoma vangu; dondiudza hako kwavanofudza makwai.17Murume akati, Vabva pano, no­kuti ndakavanzwa vachiti, Ngatiende Dhotani. Josefa akatevera vakoma vake, akandovawana paDhotani.18Ivo vakamuona achiri kure; zvino asati asvika kwavari, vakarangana kuti vamuuraye.19Vakataurirana, vachiti, Hoyo muroti uya wauya.20Uyai zvino timuuraye, timukandire mune rimwe ra­makomba aya, tigoti, Wadyiwa nechi­kara; tigoona kuti kurota kwake kucha­zoitwa seiko.21Rubheni akazvinzwa, akamurwira mumaoko avo, akati, Ngatirege kumuu­raya.22Rubheni akati kwavari, Musa­durura ropa; mukandirei mugomba iri riri musango, asi regai kutambanudza maoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaoko avo, agomudzosera kuna baba vake.23Zvino Josefa akati asvika kuvakoma vake, vakabvisira Josefa nguvo yake, nguvo iya yakanga yakareba ina maoko, yaaka­nga akafuka;24vakamutora, vakamuka­ndira mugomba; gomba rakanga risina chinhu, makanga musina mvura.25Vakagara pasi, vakadya zvokudya; zvino vakasimudza meso avo, vakatarira, vakaona boka ravaIshimaeri vachifamba, vachibva Giriyadhi, makamera avo akata­kura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachindozviisa Egipita.26Zvino Judha akati kuvana vababa vake, Tinga­waneiko kana tikauraya munin'ina wedu tichivanza ropa rake?27Uyai timutengese kuvaIshimaeri; maoko edu arege kuva kwaari; nekuti munun una wedu, nyama imwe nesu. Vana vababa vake vakamuteerera.28Zvino vatengesi vavaMidhiani vakapfuurapo, vakakwidza Josefa vachi­mubudisa mugomba, vakatengesa Josefa kuvaIshimaeri namashekeri ana makumi maviri; ivo vakaisa Josefa Egipita.29Zvino Rubheni akadzokera kugo­mba, akawana Josefa asisimo mugomba; akabvarura nguvo dzake.30Akadzokera kuvanin'ina vake, akati, Mwana haa­chipo; ini zvino ndichaendepiko?31Zvino vakatora nguvo yaJosefa, va­kauraya nhongo yembudzi, vakanyika nguvo muropa;32vakatumira nguvo iyo yakareba ina maoko kuna baba vavo, vakati, Tanonga chinhu ichi; fananidzai zvakanaka kana iri nguvo yomwanako­mana wenyu, kana isati iri iyo.33Ivo vakafananidza vakati, Inguvo yomwanakomana wangu; wadyiwa ne­chikara; Josefa zvirokwazvo wapara­dzwa.34Jakove akabvarura nguvo dzake, akasimira madhumbu pachiuno chake, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.35Vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza; asi akaramba kunyara­dzwa, akati, Ndichaburukira kuguva kumwanakomana wangu, ndichichema. Baba vake vakamuwungudzira.36Zvino vaMidhiani vakandomute­ngesa Egipita kuna Potifari, muranda waFarao, mukuru wavarindi.