Shona

Genesis

40

1Shure kwaizvozvo mudiri wama­mbo weEgipita nomubiki wake va­katadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.2Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.3Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutirongo, pakanga pakasungwa Josefa.4Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachiche­ngetwa.5Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe ku­rota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomu­biki vamambo weEgipita, vakanga vaka­sungwa mutirongo.6Zvino fume ma­ngwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.7Aka­bvunza varanda vaFarao vakanga va­chengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, Nhasi makasuwa neiko?8Vakati kwaari, Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira. Josefa akati kwavari, Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai he­nyu.9Zvino mukuru wavadiri akaronde­dzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, muchiroto kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuza­mbiringa pakanga pana matavi matatu;10ukaita sokutumbuka, ukabudisa ma­ruva; masumbu awo akabereka maza­mbiringa akaibva;11mukombe waFarao wakange uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa muko­mbe muruoko rwaFarao.12Josefa akati kwaari, Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;13mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, noku­kudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.14Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire tsitsi, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;15nekuti zvirokwazvo, ndakabiwa ku­nyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri.16Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwa­ngu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wa­ngu;17mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabi­kwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswa­nda yaiva pamusoro wangu.18Ipapo Josefa akapindura, akati, Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;19mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusu­ngirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri.20Zvino nomusi wetatu, musi woku­zvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womu­kuru wavabiki pakati pavaranda vake,21akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;22asi akasu­ngirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.23Asi mukuru wa­vadiri haana kurangarira Josefa, asi aka­mukangamwa.