Shona

Genesis

49

1Zvino Jakove akadana vanakomana vake, akati, Unganai, ndi­kuudzei zvamuchaitirwa namazuva ano­tevera.2Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakove, Teererai Isiraeri, baba venyu.3Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, nokutanga kwesimba rangu; Ukuru hwokukudzwa, noukuru hwesimba;4Unotutuma semvura, haungavi noukuru; nekuti wakakwira kuuvato hwababa vako, Ukahusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.5Simioni naRevhi vana vamai vamwe; Minondo yavo inhumbi dzokurwa nesimba.6Mweya wangu, rega kupinda pakurangana kwavo. Kukudzwa kwangu, rega kusanganiswa neungano dzavo; nekuti pakutsamwa kwavo vakauraya vanhu, Nokuda kwavo vakagura marunda emombe.7Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nekuti kwakanga kuri kukuru; Nehasha dzavo, nekuti dzakanga dzakaipa; Ndichavaparadzanisa pakati paJakove, nokuvaparadzira pakati paIsiraeri.8Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako.9Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?10Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.11Unosungira sheche redhongi rake pamuzambiringa, Nomwana wedhongi rake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguvo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa.12Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.13Zebhuroni uchagara pamahombekombe egungwa; iye achava mahombekombe panopinda zvikepe; Muganhu wake uchasvika paSidhoni.14Isakari idhongi rine simba, rinovata pasi, pakati pematanga emakwai;15Akaona zororo kuti rakanaka, Nenyika kuti inofadza, Akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava mubatiri wechibharo.16Dhani achatonga mhaka dzavanhu vake, Sorumwe rwamarudzi alsiraeri.17Dhani achava senyoka munzira, Semvumbi mugwara, Inoruma zvitsitsinho zvebhiza; Kuti mutasvi waro awire pasi neshure.18Ndakamirira ruponeso rwenyu imwi Jehovha.19Gadhi achavambwa nehondo, Asi iye achavavamba pazvitsitsinho zvavo.20Asheri achava nezvokudya zvakakora; Iye achauya nezvinonaka zvinofanira madzishe.21Nafutari isheche yemhembwe yakasununguka, Anotaura mashoko akanaka.22Josefa idavi rinobereka, Idavi rinobereka patsime; matavi ake anodarika madziro.23Vapfuri nouta vakamutambudza kwazvo, Vakamupfura, vakamuvenga;24asi uta hwake hwakaramba hune simba, Maoko ezvanza zvake akasimbiswa Namaoko oWamasimbaose waJakove (Ndipo panobva Mufudzi, neBwe raIsiraeri),25Mwari wababa vako achakubatsira; Wamasimbaose, achakuropafadza, Neropafadzo dzinobva kudenga kumusoro, Ropafadzo dzinobva pamvura yakadzika iri pasi, Ropafadzo dzamazamu nedzechizvaro.26Ropafadzo dzababa vako Dzinopfuura ropafadzo dzamateteguru angu, kusvikira kumugumo wamakomo asingaperi; dzichagara pamusoro waJosefa, Pamusoro waiye aiva muchinda pakati pehama dzake.27Bhenjamini ibere rinoparadza; Mangwanani achadya chakaurawa, Madeko achagovera zvaakapamba.28Ava vose ndiwo marudzi ane gumi namaviri alsiraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, akavaropafadza; va­karopafadza mumwe nomumwe nokuro­pafadzwa kwake.29Akavaraira, akati kwavari, Ini ndobva ndosanganiswa na­vanhu vangu; mundondiviga kuna madzi­baba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,30bako riri mumunda weMakapera, pakatarisana neMamure, panyika yeKanani, riya rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga;31ndipo pavaka­viga Abhurahamu naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka, mu­kadzi wake; ndipo pandakaviga Rea;32munda uya nebako riri mukati mawo, zvakatengwa kuvana vaHeti.33Zvino Jakove akati apedza kuraira vanako­mana vake, akadzosera tsoka dzake pau­vato, mweya wake ukabuda, akasangani­swa navanhu vake