1Efuremu vanozvigutisa nemhepo, vanoteverera mhepo yokumabvazuva; vanoramba vachiwedzera nhema nokuparadza; vanoita sungano neAsiria, uye mafuta anoiswa Egipita.2Jehovha ane gakava naJudhawo, acharova Jakove pamusoro penzira dzake, achamuripira pamusoro pezvaakaita.3Muchizvaro akabata chichitsinho chomukuru wake, ava nesimba romurume akaita mitsimba naMwari;4zvirokwazvo, akava nesimba pamusoro pemutumwa akakunda; akachema, akamunyengetera; akamuwana paBhetieri, akataurapo nesu,5iye Jehovha, Mwari wehondo; Jehovha ndiro zita rokumurangarira naro.6Naizvozvo chidzokera kuna Mwari wako; chengeta rudo nokururamisa, urambe uchimirira Mwari wako.7Iye muKanani, zviyero zvinonyengera zviri muruoko rwake, anofanira kumanikidza.8Asi Efuremu anoti, Zvirokwazvo, ndafuma, ndazviwanira fuma; pamabasa angu ose havangawani kwandiri zvakaipa zvezvivi.9Asi ndini Jehovha Mwari wako, kubva panyika yeEgipita; ndichakugarisaizve mumatende, sapamazuva emitambo yakatarwa.10Ndakataurawo navaporofita, ndikawanza zvandakavaratidza; ndakavataurira zvifananidzo nemiromo yavaporofita.11Ko paGiriyadhi pane zvakaipa here? Havana maturo chose; vanobaya nzombe paGirigari; zvirokwazvo maaritari avo akaita matutu amabwe pamihoronga yeminda.12Jakove akatizira kunyika yeArami, Isiraeri akabatira mukadzi, akafudza makwai kuti awane mukadzi.13Jehovha akabudisa Isiraeri paEgipita nomuporofita, akazochengetwa nomuporofita.14Efuremu vakatsamwisa Jehovha zvikuru; naizvozvo mhaka yeropa rake ichasiiwa kwaari, Ishe wake achadzosera kuzvidzwa kwake kwaari.