1Regai kufara, imwi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nekuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.2Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.3Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Egipita, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.4Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nekuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.5Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?6nekuti tarirai, vakabva nokuda kokuparadzwa, asi vaEgipita vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; mhinzwa ichava mumatende avo.7Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nekuti ruvengo rukuru.8Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.9Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhiya; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.10Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaita zvinonyangadza vachifanana nezvaidikamwa navo.11Kana vari VaEfuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.12Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.13Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.14Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.15Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nekuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.16Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikamwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.17Mwari wangu achavarasha, nekuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.