Shona

Isaiah

12

1Nezuva iro uchati, Ndinokuvongai Jehovha; makanga makanditsamwira, asi kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, munondinyaradza.2Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba ndisingatyi; nekuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.3Saka muchachera mvura nomufaro pamatsime oruponeso.4Zvino nezuva iro muchati, Vongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.5Imbirai Jehovha; nekuti akaita zvinhu zvakaisvonaka-naka; izvi ngazvizikamwe panyika yose.6Danidzira upururudze, iwe ugere paZiyoni; nekuti Mutsvene waIsiraeri mukuru pakati penyu.