1nekuti Jehovha achanzwira Jakove tsitsi, achasanangura Isaraeri nokuvagadza munyika yavo; mutorwa achandogara navo, vachanamatira imba yaJakove.2Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza.3Zvino nezuva iro kana Jehovha achikuzorodza pakuchema kwako napakutambudzika kwako, napakubata kwako kunorema kwawakabatiswa nako,4uchaimba rwiyo urwu pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti, Haiwa mumanikidzi wapera sei! Kutambudzika kwapera sei!5Jehovha avhuna mudonzvo wowakaipa, netsvimbo youshe yavabati.6Iye airova marudzi avanhu nehasha nokurova kusingaperi, aibata ndudzi dzavanhu nokutambudza kusina kudzorwa nomunhu.7Nyika yose yozorora, yanyarara; vanofara nokuimba.8Zvirokwazvo miti yemisipiresi inofara nokuda kwako, nemisidhari yeRebhanoni, ichiti, Chinguva chawaparadzwa, hapano mutemi anokwira kutitema.9Sheori pasi rine nyongano pamusoro pako kuzosangana newe pakuuya kwako; rinokumutsira vakafa, ivo vose vaiva vakuru panyika; ramutsa madzimambo ose amarudzi avanhu pazvigaro zvavo zvoushe.10Ivo vose vachapindura, vachiti kwauri, Newe wava usina simba sesu kanhi? Iwe wafanana nesu kanhi?11Kuzvikudza kwako kwaderedzwa kusvikira paSheori, nokurira koudimbwa hwako; honye dziri pasi pako, nehonye dzinokufukidza.12Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase, iwe mwanakomana wamambakwedza! Wakandwa seiko pasi, iwe wokuwisira marudzi pasi!13Iwe wakati mumoyo mako, Ndichakwira kudenga, ndichakwiridza chigaro changu choushe kumusoro kwenyeredzi dzaMwari; ndichagara pamusoro pegomo reungano, pamigumo yamativi okumusoro;14ndichakwira kumusoro kwamakore, ndichazvienzanisa neWekumusoro-soro.15Kunyange zvakadaro uchaderedzwa kusvikira paSheori, kusvikira pakadzika pegomba.16Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti, Ko uyu ndiye munhu aidederesa nyika, aizunungusa ushe;17aishandura nyika ifanane nerenje, aiparadza maguta ayo, airamba kusunungura vasungwa vake vaende kumusha here?18Madzimambo ose amarudzi, iwo ose, anovata achikudzwa, mumwe nomumwe paimba yake.19Asi iwe waraswa kure neguva rako, sedavi rinonyangadza, wafukidzwa navakaurawa, vakabayiwa nomunondo, vanoburukira kumabwe egomba, somutumbi watsikwa netsoka.20Haungavigwi pamwechete navo, nekuti wakaparadza nyika yako, vakauraya vanhu vako; vana vavakaipa havangarehwi nokusingaperi.21Gadzirirai vana vake pavangaurawa nokuda kokushata kwamadzibaba avo; varege kuzomuka, vagare nhaka yenyika, vazadze pasi pose namaguta.22Zvanzi naJehovha wehondo, Ndichavamukira, ndichatorera Bhabhironi zita navakasara, navana, navana vavana, ndizvo zvinotaura Jehovha.23Ndichariita nzvimbo inogarwa nenungu, uye madziva emvura; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.24Jehovha wehondo akapika, achiti, Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.25Kuti ndichavhuna muAsiria munyika yangu, ndichamutsika netsoka dzangu pamakomo angu; nenguva iyo joko rake richabva kwavari, nomutoro wake uchabva pamafudzi avo.26Ndicho chirevo chakatemerwa nyika yose; ndirwo ruoko rwakatambanudzwa pamusoro pamarudzi ose.27nekuti Jehovha wehondo wakatema chirevo, ndiani angapindurazve? Ruoko rwake rwakatambanudzwa, ndiani angarudzosa.28Negore rokufa kwamambo Ahazi chirevo ichi chakarehwa,29Iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose, usafara zvako nekuti shamhu yakanga yakurova yavhunika; nekuti pamudzi wenyoka pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka yomoto inoburuka.30Matangwe avarombo achadya, navanoshayiwa vachavata pasi vakafara; ndichauraya mudzi wako nenzara, vakasara vako vachaurawa.31Chema, iwe suwo; danidzira, iwe guta; wanyauka, iwe nyika yeFirisitia, iwe nyika yose; nekuti kurutivi rwokumusoro kunobva utsi, hapana anotiza pahondo dzake.32Zvino nhume dzorudzi urwu vachadzipindurei? Kuti, Jehovha akavamba Ziyoni, vanotambudzika navanhu vake vachavandiramo.