1Zvino naJehovha, Vane nhamo vana vanondimukira, vanofunga mano vasingandibvunzi, vanoita sungano zvisingabvi paMweya wangu,kuti vawedzere zvivi nezvivi;2vanozvirongedza kuenda Egipita, vasina kundibvunza, kuti vazvisimbise nesimba raFarao, nokuvanda mumumvuri weEgipita.3Naizvozvo simba raFarao richakunyadzisai, kuvanda kwenyu mumumvuri waFarao kuchava kukanganisa kwenyu.4nekuti machinda avo ari paZoani, nhume dzake dzakasvika Hanesi.5Vose vachanyadziswa pamusoro porudzi rwavanhu vasingagoni kuvafumisa, vasingavabatsiri kana kuvafumisa, asi kuvanyadzisa nokuvashovodza.6Chirevo pamusoro pezvikara zvenyika yezasi. Panyika yokutambudzika neyokuchema, kunobva shumba hadzi negonho, nenyoka, nenyoka yomoto inobhururuka, ndipo pavanotakudza fuma yavo pamusoro pamafudzi avana vembongoro, nezvinokosha zvavo panyundwa dzemakamera, vachizviisa kuvanhu vasingavafumisi.7nekuti Egipita inobatsira pasina, zvisina maturo; saka ndakaitumidza zita rokuti, Rahabhi anongogara zvake.8Zvino chienda, uzvinyore pamberi pavo pabwendefa rebwe, uzvinyore mubhuku, zvivepo panguva inouya nokusingaperi-peri.9nekuti ava rudzi runondimukira, vana vane nhema, vana vasingadi kunzwa murayiro waJehovha;10vanoti kuvaoni, Musaona; nokuvaporofita. Musatiporofitira zvinhu zvakarurama, tiudzei zvinofadza, tiporofitire zvinonyengera,11ibvai panzira, tsaukai pagwara, bvisai Mutsvene waIsiraeri pamberi pedu.12Naizvozvo zvanzi noMutsvene waIsiraeri, Zvamunozvidza shoko iri, muchivimba nokumanikidzwa nokunyengera, muchizvitenda izvo;13naizvozvo kuipa uku kuchava kwamuri sapakakoromoka panoda kuwa, panotsveyama parusvingo rwakareba, panowa kamwekamwe pakarepo.14Uchaiputsa sezvinoputswa mudziyo womuumbi, uchaiputsa-putsa asine nyasha, kusvikira pachishaikwa pakati pezvimedu zvayo chaenga chokundogoka moto nacho pachoto, kana kutekesa mvura nacho patsime.15nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsiraeri, Pakudzoka nokuzorora ndipo panoruponeso rwenyu, pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu; asi makaramba,16mukati, Kwete, tichatiza takatasva mabhiza; saka muchatiza zvenyu; uyezve, Tichatasva mabhiza anomhanyisa; saka vanodzingana nemwi vachamhanyisa.17Vane chiuru vachatiza kana vachivambwa nomumwe; muchatiza kana muchivambwa navashanu; kusvikira masiiwa sedanda pamusoro pegomo, somureza pamusoro pechikomo.18Naizvozvo Jehovha achambomira, kuti akunzwirei tsitsi; naizvozvo achakudzwa, kuti ave nenyasha nemi, nekuti Jehovha ndiMwari wokururamisira; vakaropafadzwa vose vanomumirira.19nekuti vanhu vachagara paZiyoni paJerusaremu; hamungazochemi, zvirokwazvo achakunzwirai tsitsi, kana achinzwa kuchema kwenyu; kana achinzwa, achakupindurai.20Kunyange Ishe akakupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, kunyange zvakadaro vadzidzisi venyu havangavandi, asi meso enyu achaona vadzidzisi venyu;21nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti, Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.22Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, Ibva pano.23Achakupa mvura yokumeresa mbeu yako, yauchadzvara muvhu; nezvokudya, zvinoberekwa nevhu, zvichava zvakakora zvizhinji. Nezuva iro mombe dzenyu dzichafura pamafuro makuru;24nzombe navana vembongoro, zvinorima minda, zvichadya zvokudya zvakarungwa; zvakarudzwa nemitsvairo nemisero.25Pamusoro pegomo rimwe nerimwe rakareba napachikomo chimwe nechimwe chakwirira, pachava nenzizi nehova dzemvura, nezuva rokuurawa kukuru kana shongwe dzichiwa.26Uyezve, chiedza chomwedzi chichafanana nechiedza chezuva, chiedza chezuva chichawedzerwa kanomwe; sechiedza chamazuva manomwe, nezuva iro kana Jehovha achisunga pakakuvara pavanhu vake, nokuporesa vanga ravakarohwa.27Tarirai, zita raJehovha rinobva kure, richipisa nokutsamwa kwake, richibudisa utsi uzhinji; miromo yake izere nehasha, rurimi rwake rwakafanana nomoto unopedza zvose;28mweya wake wakaita sorwizi runodira kunze, runosvikira pamutsipa, kuti asere marudzi avanhu nomusero wokuparadza; matomu anotsausa achava mumiromo yavanhu.29Muchaimba rwiyo, sezvinoitwa usiku kana mutambo mutsvene uchitambwa; muchava nokufara komoyo, wakafanana nowomunhu anoenda achiridza nyere kugomo raJehovha, kudombo raIsiraeri.30Jehovha achanzwisa inzwi rake roumambo, acharatidza kuburuka koruoko rwake, nokutsamwa kwake kukuru, nomurazvo womoto unopedza zvose, nechamupupuri, nokunaya kukuru kwemvura, nechimvuramabwe.31nekuti muAsiria achakanganiswa nenzwi raJehovha; achamurova neshamhu.32Kurova kose kwetsvimbo yakatumwa, yaacharohwa nayo naJehovha, kuchaitwa nokurira kwengoma nembira; acharwa navo nokurwa kuchazunungusa.33nekuti Tofeti rakagara ragadzirwa, zvirokwazvo rakagadzirirwa mambo; wakaridzikisa nokurikurisa; dutu riripo moto nehuni zhinji; mweya waJehovha, wakafanana norwizi rwesariferi, uchazvipfutidza.