1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chirayira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.2Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,3akati, Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,5Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.6Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.7Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.8Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi. Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.9Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.10Ndakati, ndichapinda pamasuwo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara.11Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.12Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.13Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mafupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.14Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi.15Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kokurwadziwa komoyo wangu.16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.17Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; nekuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.18nekuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu.19Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuvongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.20Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeramwa Mazuva ose oupenyu bwedu mumba maJehovha.21Zvino Isaya akanga ati, Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.22Hezekiawo akanga ati, Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?