1Inzwai izvi, imwi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.2(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).3Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.4nekuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;5naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.6Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imwi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.7Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, Tarirai, ndaizviziva.8Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nekuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.9Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.10Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvuto yokutambudzika.11Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nekuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.12Nditeerere, iwe Jakove, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.13Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.14Unganai imwi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikamwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.15Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.16Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.17Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.18Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!19Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.20Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, Jehovha akadzikunura muranda wake Jakove.21Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.22Zvanzi naJehovha, Vakaipa havana rugare.