1Pagore rokufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza temberi.2Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu, neimwe mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo.3Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.4Nheyo dzezvikumbaridzo dzikazununguka nenzwi rowakanga achidana, imba ikazadzwa noutsi.5Ipapo ndikati, Ndine nhamo! nekuti ndoparara, nekuti ndiri munhu wemiromo yakanora, ndigere pakati pavanhu vemiromo yakanora; nekuti meso angu akaona Mambo; Jehovha wehondo.6Ipapo imwe serafimi yakabhururukira kwandiri, yakabata zimbe rinopfuta muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato paaritari; ikagumura muromo wangu naro, ikati,7Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikunurwa.8Ipapo ndakanzwa nzwi raShe richiti, Ndingatuma aniko? Ndiani angatiendera? Ipapo ndakati, Ndiri pano ini, nditumei.9Iye akati, Enda, unondoudza vanhu ava, uti, Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.10Kodzai moyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, kana kunzwa nenzeve dzavo, kana kunzwisisa nemoyo yavo, vadzoke vapodzwe.11Zvino ndakati, Ishe kusvikira rinhiko? Akapindura, akati, Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,12kusvikira Jehovha abvisira vanhu kure, nenzvimbo, dzashanduka matongo, dzava zhinji panyika.13Kana kuchinge kwasara mukati mayo chegumi, naichowo chichadyiwazve; sezvakaita muterebhinti nomuouki wasiirwa hunde kana watemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ndiyo hunde yawo.