Shona

Isaiah

9

1Asi iye, aiva pakumanikidzwa, haangazovi nerima. Panguva yokutanga wakaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva yazvino akaikudza, kurutivi rwegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea ravahedheni.2Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; vaigara munyika yomumvuri worufu, vakapenyerwa chiedza.3Makawanza rudzi, makawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu, sokufara kwavanhu panguva yokukohwa, sokufara kwavanhu kana vachigoverana zvakapambwa.4nekuti makavhuna joko raivaremedza, netsvimbo yairova mafudzi avo, neshamhu yavaivamanikidza, sapamazuva avaMidhiani.5nekuti shangu imwe neimwe yomurwi, yakatsika nokutinhira, nenguvo yakanyikwa muropa, zvichapiswa, zvichava sehuni dzomoto.6nekuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare.7Kukura koumambo hwake nokorugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.8Jehovha akatuma shoko kuna Jakove, rakaburukira pamusoro pavaIsiraeri.9Vanhu vose vachaziva, ivo vaEfuremu navagere Samaria, ivo vanoti namanyawi avo nokuzvikudza kwemoyo yavo,10Zvitinha zvawa, asi tichavaka namabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaisa misidhari panzvimbo yayo.11Naizvozvo Jehovha achavamutsira vadzivisi vaRezini, achasanganisa vavengi vake;12vaSiria pamberi, navaFirisitia mushure, vachapedza Isiraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.13Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, havana kutsvaka Jehovha wehondo.14Saka Jehovha achagura vaIsiraeri musoro nomuswe, davi romuchindwe nenhokwe, nomusi mumwe.15Mukuru nowanokudzwa ndiwo musoro; muporofita, anodzidzisa nhema, ndiwo muswe.16nekuti vatungamiriri vavanhu ava vanovatsaukisa; vanotungamirirwa navo vanoparadzwa.17Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nekuti mumwe nomumwe wavo mumhuri waMwari nomuiti wezvakaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvohupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.18nekuti zvakaipa zvinopfuta somoto; unopedza rukato nemhinzwa; zvirokwazvo unopisa matenhere edondo, zvichikwira kudenga iri shongwe youtsi.19Nyika inotsva nokuda kokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake.20Mumwe achabvuta kurudyi, asi achava nenzara; achadya kuruboshwe, asi havangaguti; mumwe nomumwe achadya nyama yoruoko rwake.21VaManase vachadya vaEfuremu, navaEfuremu vaManase; ivo pamwechete vachamukira vaJudha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.