1Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.2Zvanzi naJehovha, Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.3Kana vachinzwa kutinhira kokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo;4nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nekuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori.5Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira rinhiko?6Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira rinhiko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.7Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemahombekombe egungwa, ndipo paakazviraira.