Shona

Job

1

1Kwakanga kuno munhu panyika yeUzi, ainzi Jobho; munhu uyu aka­nga akakwana, akarurama, aitya Mwari achinzvenga zvakaipa2Iye wakabereke­rwa vanakomana vanomwe navakunda vatatu.3Uye fuma yake yakasvika ma­kwai ane zviuru zvinomwe, nemakamera zviuru zvitatu, nemombe dzakaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu, nava­nhu vazhinji paimba yake; naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.4Vanakomana vake vaisienda ku­ndoita mutambo paimba yomumwe no­mumwe wavo pazuva rake; vaituma kundodana hanzvadzi dzavo nhatu kuzo­dya nokumwa navo.5Zvino kana ma­zuva okutamba kwavo apera Jobho ai­tuma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nekuti Jobho wakati, Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vaka­shora Mwari pamoyo yavo; Jobho aisidaro nguva dzose.6Zvino rimwe zuva vanakomana va­Mwari vakati vachindomira pamberi pa­Jehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.7Jehovha akati kuna Satani, Wabve­piko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napaku­famba-famba pairi.8Jehovha akati kuna Satani, Wache­rekedza muranda wangu Jobho here? Nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.9Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, Jobho anotya Mwari pasina here?10Hamuna kumupoteredza here noru­mhanda, iye neimba yake, nezvose zvaa­nazvo, pamativi ose? Makaropafadza ma­basa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.11Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.12Jehovha akati kuna Satani, Ta­rira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari. Naizvozvo Satani akabva pa­mberi paJehovha.13Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokumwa waini paimba yomukuru wavo,14nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, Mombe dzakanga dzichirima, nembo­ngoro dzichichera kurutivi rwadzo,15vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.16Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Moto waMwari waka­bva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.17Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, VaKaradhea vakaita ma­poka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapuku­nyuka, ndauya kuzokuudzai.18Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokumwa waini mumba momukuru wavo,19dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.20Ipapo Jobho akasimuka, akabva­rura nguvo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata,21akati, Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha waka­tora, zita raJehovha ngarikudzwe.22pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.