Shona

Job

40

1Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,2Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.3Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati4Tarirai, ndakaderera; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.5Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.6Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,7Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.8Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?9Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?10Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.11Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.12Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.13Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.14Ipapo ndichareurura kwauri, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.15Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.16Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.17Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.18mafupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.19Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.20Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.21Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Joridhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.24Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?