1Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,2Ndinoziva kuti imwi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.3Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.4Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imwi mundidudzire.5Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai,6Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota.7Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nekuti imwi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho.8Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nekuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi bwenyu; nekuti imwi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.9Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho.10Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.11Ipapo vanin'ina vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.12Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.13Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.14Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.15Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.16Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.17Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.