Shona

John

19

1Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.2Zvino mauto akaruka korona yemhinzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo dzine ruvara rwehute.3Vakati: Hekanhi, Mambo wevaJudha! Ndokumurova nembama.4Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.5Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yemhinzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!6Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nekuti ini handiwani mhosva kwaari.7VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu unofanira kufa, nekuti wakazviita Mwanakomana waMwari.8Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iro, wakanyanya kutya.9Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.10Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?11Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo unondikumikidza kwauri une chivi chikuru.12Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe unozviita mambo, unopikisana naKesari.13Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMambwe, asi nechiHebheru Gabhata.14Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!15Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.16Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.17Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota;18pevakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.19Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.20Naizvozvo vazhinji vevaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nekuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.21Naizvozvo vapristi vakuru vevaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wevaJudha; asi kuti uyu wakati: Ndiri mambo wevaJudha.22Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.23Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; nenguvo yepasi; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yose kubva kumusoro.24Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechokufuka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.26Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.27Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.28Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvose zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.29Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake.30Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa Mweya wake.31Naizvozvo vaJudha nekuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nekuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.32Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewokutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;33asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;34asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.35Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye unoziva kuti unoreva chokwadzi, kuti imwi mutende.36Nekuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe runoti: Fupa rake haringavhunwi.37Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.38Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.39Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana.40Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yevaJudha yekuviga.41Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.42Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yevaJudha, nekuti guva rakange riri pedo.