1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.2Akati, Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, imwi mukanzwa izwi rangu.3nekuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.4Ndikati, Ndarashwa, hamuchandioni; Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.5Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.6Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika, zvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri, mutemberi yenyu tsvene.8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.9Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.