Shona

Joshua

12

1Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJoridhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:2Sihoni, mambo wavaAmori, wakange agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;3nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;4nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakange asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,5waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.6Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.7Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJoridhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.8Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKanani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi,9mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe;10namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;11namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;12namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;13namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;14namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;15namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;16namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe;17namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe;18namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;19namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;20namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;21namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;22namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;23namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;24namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.