1Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nomutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei neumhare vamuuraye.2Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.3Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.4Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?5Nekuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenari* anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsutsumwira.6Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Wandiitira basa rakanaka.7Nekuti varombo munavo nguva dzose, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.8Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.9Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.10Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvaprisita vakuru, kuti amutengese kwavari.11Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti ungamutengesa sei panguva yakafanira.12Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?13Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, ipapo munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,14uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?15Uye iye uchakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.16Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.17Kuzoti ava madekwani akasvika nevanegumi nevaviri.18Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu unodya neni uchanditengesa.19Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zirokwazvo handisi ini here? neumwe: Zvirokwazvo handisi ini here?20Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, unoseva neni mundiro.21Mwanakomana wemunhu unoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.22Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.23Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakamwa vose pauri.24Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.25Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongomwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochimwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.26Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.27Zvino Jesu akati kwavari: Mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.28Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichatungamira kuenda kuGarirea.29Asi Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, asi kwete ini.30Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.31Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevosewo vakadaro.32Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichindonyengetera.33Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.34Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.35Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.36Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.37Zvino akasvika, akavawana vavete; akati kuna Petro: Simoni, uvete here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?38Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.39Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mwamwechete.40Zvino paakadzoka, akavawana vavatazve, nekuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.41Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai muvete zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.42Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.43Pakarepo achataura, Judhasi akasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.44Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.45Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda.46Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.47Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.48Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?49Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.50Vose ndokumusiya vakatiza.51Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;52ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.53Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vose nevakuru nevanyori.54Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati meruvanze rwomupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.55Zvino vapristi vakuru nedare rose remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.56Nekuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.57Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:58Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.59Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.60Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?61Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana woWakaropafadzwa here?62Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.63Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichadirei zvapupu?64Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vose vakamurasha kuti ave nemhosva yerufu.65Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nekuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko avo.66Zvino Petro achiri paruvanze pasi, pakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;67achiona Petro achizvidziyisa, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.68Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.69Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.70Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nekuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.71Akatanga kupa rushambwa nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.72Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.