1Bhuku renhoroondo yedzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.2Abhurahamu wakabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha nevanakomana vamai vake;3Judha akabereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;4Arami akabereka Aminadhabhi; Aminadhabhi akabereka Naasoni; Naasoni akabereka Sarimoni;5Sarimoni akabereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi akabereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi akabereka Jese;6Jese akabereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo akabereka Soromoni kumukadzi waiva waUria;7Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhiya; Abhiya akabereka Asa;8Asa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Oziasi;9Oziasi akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Akazi; Akazi akabereka Hezekia;10Hezekia akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiyasi;11Josiyasi akabereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.12Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;13Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriakimi; Eriakimi akabereka Azori;14Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriyudhi;15Eriyudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho;16Jakobho akabereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.17Naizvozvo mazera ose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; kubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu mazera gumi nemana.18Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nekuti mai vake Maria vakati vapana nduma naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba neMweya Mutsvene.19Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.20Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nekuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.21Uye uchabereka Mwanakomana, uye uchazotumidza zita rake Jesu, nekuti iye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.22Zvino zvose izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita achiti:23Tarira, mhandara ichava nemimba, igozvara Mwanakomana, vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.24Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakamuraira mutumwa waIshe, akazvitorera mukadzi wake;25uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.