Shona

Psalms

115

1Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwetsitsi dzenyu, uye nokuda kokutendeka kwenyu.2Vahedheni vachareverei, vachiti, Ko Mwari wavo zvino uripi?3Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada.4Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu.5Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni;6Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwhidzi;7zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo.8Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.9lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.10Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.11imwi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo.12Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni.13Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose.14Jehovha acharamba achikuwanzai, imwi navana venyu.15imwi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi.16Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu.17Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara;18Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya!