Shona

Psalms

143

1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu.2Regai kutonga muranda wenyu; nekuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu.3nekuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa.4Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. moyo wangu wavhunduswa mukati mangu.5Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu.6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa.7Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba.8Ndinzwisei unyoro bwenyu mangwanani; nekuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.9Ndirwirei Jehovha, panavavengi vangu; Ndinovanda nemwi.10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nekuti ndimwi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere,11Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu.12Pedzai vavengi vangu nounyoro bwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; nekuti ndiri muranda wenyu.