1Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?2Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,3Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.4Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.5Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;6Kunyange zvakadaro ndakagadza mambo wangu paZiyoni, iro gomo rangu dzvene.7Ndichaparidza chirevo, chinoti, Jehovha akati kwandiri, Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka.8Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako.9Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.10Zvino chivai nenjere, imwi madzimambo; Munyeverwe, imwi vatongi venyika.11Shumirai Jehovha nokutya, mufare muchidedera.12Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, nekuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.