Shona

Psalms

28

1Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; zvimwe, kana mukandinyararira, ndingafanana navanoburukira kugomba.2Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene.3Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumoyo mavo.4Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira.5Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve.6Jehovha ngaavongwe, nekuti akanzwa inzwi rokukumbira kwangu.7Jehovha ndiye simba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka moyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.8Jehovha ndiye simba ravo, Ndiye nhare yokuponesa kumuzodziwa wake.9Ponesai vanhu venyu, muropafadze nhaka yenyu; Muvafudzewo, muvatakure nokusingaperi.