1Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.2Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.3Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiruramisirwe; nekuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.4Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.5Nekuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.6Ndakatsigirwa nemwi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.7Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imwi muri utiziro hwangu hwakasimba.8Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.9Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.10Nekuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,11Vachiti, Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nekuti hakuna ungamurwira.12Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.13Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.14Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.15Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose, nekuti handizivi kuwanda kwazvo.16Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu koga.17Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.18Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.19Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?20Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.21Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.22Ndichakurumbidzaiwo nemitengeramwa, Naiyo chokwadi chenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imwi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.23Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.24Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu, nekuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.