Shona

Psalms

73

1Zvirokwazvo Mwari anoitira Isiraeri zvakanaka, Ivo vane moyo yakachena.2Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; Makumbo angu akanga otedzemuka.3nekuti ndakanga ndichigodora vana manyawi, Pakuona kwangu kufara kwavakaipa.4nekuti havatambudziki pakufa kwavo; Asi muviri wavo une simba.5Havana njodzi savamwe vanhu; Havatambudzwi savamwe vanhu6Saka kuzvikudza kwavo kwakafanana noruketani pamitsipa yavo; Kumanikidza kunovafukidza senguvo.7Meso avo anobuda nokukora; Zvavanofunga pamoyo zvinofashamira;8Vanoseka, vachireva pakuipa kwavo zvinomanikidza vamwe; Vanotaura vachizvikudza.9Vakataurira kudenga nemiromo yavo, Ndimi dzavo dzinofamba-famba pasi.10Saka vanhu vake vanodzokera ikoko; Vanosvinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.11Zvino vanoti, Mwari angaziva seiko? Wekumusoro-soro angava nokuziva here?12Tarirai, ndizvo zvakaita vakaipa; Vanowedzera fuma yavo vachingogara vasingatamburi.13Zvirokwazvo ndakanatsa moyo wangu pasina, Nokushambidza maoko angu ndisina mhosva;14nekuti ndakatambudzwa zuva rose, Ndakarangwa mangwanani ose.15Kana ndaiti, ndichataura kudai; Tarirai, ndainyengera rudzi rwavana venyu.16Zvino ndakaramba ndichifunga kuti ndizvinzwisise, Asi zvakandiremera kwazvo;17Kusvikira ndapinda panzvimbo tsvene yaMwari, Ndikatarira kuguma kwavo.18Zvirokwazvo munovaisa panotedza; Munovawisira pasi kuti vaparadzwe.19Haiwa, vanoparadzwa kamwe-kamwe! Vanopedzwa chose nezvinotyisa.20Sezvakarotwa, kana munhu apepuka; Saizvozvo, Ishe, muchashora mufananidzo wavo, kana muchimuka.21nekuti moyo wangu wakachema, Ndakabayiwa patsvo dzangu.22Ndakanga ndiri benzi, ndisingazivi chinhu; Ndakanga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.23Kunyange zvakadaro ndinoramba ndinemwi; Makabata ruoko rwangu rworudyi.24Muchandiperekedza nezano renyu, Ndokuzondigamuchira pakubwinya.25Ndianiko kudenga, kana musimi? Napasi hapana wandinoda kunze kwenyu.26Nyama yangu nomoyo wangu zvinopera; Asi Mwari ndiye dombo romoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.27nekuti tarirai, vari kure nemwi vachapera; Makaparadza vose vakakusiyai noupombwe hwavo.28Kana ndirini, kuswedera pedo naye ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, Kuti ndiparidze mabasa enyu ose.