Shona

Proverbs

2

1Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri;2Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza moyo wako, kuti unzwisise;3Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere;4Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sefuma yakavanzwa;5Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari.6nekuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere,7Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhovo yavanofamba muzvokwadi;8nekuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake.9Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.10nekuti uchenjeri huchapinda mumoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako;11Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta;12Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama;13Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima;14Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa.15Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo;16Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake.17Iye, anorasha shamwari youduku hwake, Achikangamwa sungano yaMwari wake.18nekuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa;19Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu;20Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.21nekuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo.22Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.